Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Voendeswa kuBikita Kunonzi Ndiko Kwavakaparira Mhosva Yavari Kupomerwa


MDC Lawmakers At Magistrate Court For Wiwa
MDC Lawmakers At Magistrate Court For Wiwa

Vatsigiri veMDC varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekunonoka kuunzwa kumatare kwaitwa mutevedzeri wasachigaro webato ravo, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Nekune rumwe rutivi, munyori muboka revechidiki mubato iri, VaGift Siziba, vapomerwawo mhosva yekurudzira mhirizhonga munyika.

Vatsigiri veMDC vanga vauya kuzonzwa nyaya iri kupomerwa VaSikhala varatidzira pamatare edzimhosva nhasi vachiti havasi kufara nekutadza kunonoka kwaitwa kuunzwa kwaVaSikhala kumatare mushure mekupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMnangagwa zviri pamutemo nemapurisa nemusi weChipiri.

Rimwe remagweta ari kumirira VaSikhala, VaInnocent Gonese, vaudza vatori venhau panze pematare edzimhosva kuti havasi kuziva kuti VaSikhala vaendeswa kupi vachiti zvaitika izvi zvakafanana nekuti vapambwa.

Izvi zvatsinhirwa nemutauriri weMDC, VaDaniel Molokela, avo vati vave kufungidzira kuti VaSikhala vaendeswa kuMasvingo rinova dunhu rinonzi ndiro rakaparirwa mhosva iri kupomerwa VaSikhala.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaburitsa mashoko ekuti VaSikhala vaendeswa kuBikita kunonzi ndiko kwavakaparira mhosva yavari kupomerwa.


Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vakurudzira vatsigiri vavo kuti vaende kuMasvingo nehuwandu hwavo kunotsigira VaSikhala.

Kunyange hazvo nhengo dzeMDC dzaratidzira, hurumende ichine nguva yakawanda yekuunza VaSikhala mudare sezvo maawa makumi mana nemasere akatarwa pamurawu kuti munhu ange amiswa mudare kana achinge asungwa, asati adarika kubva pakasungwa VaSikhala nezuro.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMnangagwa mushure mekutaura kwavanonzi vakaita pamusangano wakaitirwa kuBikita neMugovera apo pavanonzi vakati sebato havasi kuzomirira kuti gore ra2023 kuti risvike VaMnangagwa vari pachigaro vachiti vaeruzhinji vari kunhonga svosve nemuromo kuburikidza nekutadza kufambisa basa zvakanaka kwavanoti kuri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Magweta avo anoti VaSikhala vari kuramba mhosva iyi.

VaSikhala vakawanikwa vaine mhosva vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika makumi maviri.

Vechidiki veMDC varatidzirawo pakamba yemapurisa muHarare nenyaya yaVaSikhala iyi pamwe nekusungwa kwaitwa munyori muboka revechidiki mubato ravo, VaGift Ostallos Siziba.

Rimwe remagweta aVaSiziba, VaAgency Gumbo, vati VaSiziba vapomerwa mhosva yekurudzira mhirizhonga munyika pamusangano wavakaita nevatsigiri vebato ravo mumusha weGlen Norah muHarare nemusi weSvondo apo pavanonzi vakataura kuti VaMnangagwa havasi kuzotora nguva yakareba vari pachigaro vachiti vacharatiddzira zvakakomba munyika kudzamara VaMnangagwa vasiya basa.

Munyori muMDC Youth Assembly, VaStephen Chuma, vaudza Studio7 kuti havasi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa hutungamiri hwebato ravo nehurumende.

VaSiziba vava munhu wechimakumi maviri nevaviri kupomerwa mhosva yakadai gore rino.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vaudza Studio7 kuti hapasisina mutsauko pakati pehurumende yaVaMnangagwa neyevaimbova yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017.

Kuratidzira kwaitwa nevatsigiri pamatare zvese nepakamba yeHarare Central kwapera mushure pasvika mapurisa anga akapakatira zvombo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG