Accessibility links

Breaking News

Harare Yoita Dambudziko reChirwere cheManyoka


Mukuru mubazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prsoper Chonzi vanoti ongororo yavakaita pamanyoka ari kupararira aya inoratidza kuti hachisi chirwere cheCholera neTyphoid sezvange zvotyirwa.

Izvi zvinotevera kupararira kwechirwere chemanyoka mune dzimwe nzvimbo dzeHarare.

Guta iri ragara riine dambudziko yekuwanisa vanhu mvura yakachena asi rwendo rwuno nekudzimwa dzimwa kwemagetsi zvinhu zvave kutoramba zvichiomera vagari.

Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi vati kubva svondo rapera vakaona kukwira kwehuwandu hwevanhu vanga vachiita manyoka kubva kunzvimbo yeGlenview, Budiriro neGlennorah.

VaChonzi vati nzvimbo idzi dzanga dzisiri kuwana mvura yakachena izvo zvaiita kuti vagari vashandise mvura dzemumatsime pamwe nekuitira tsvina panze sezvo zvimbuzi zvisina mvura .

VaChonzi vakurudzira vagari kuti vafashaidze mvura pamwe nekushandisa mishonga yekuchenesa mvura vasati vaishandisa.

Amai Martha Chaparadza avo vari kuita manyoka vashora zvikuru kanzuru nekutadza kugadzirisa mvura dzemasuweji nenguva. Vatiwo kuchipatara chekanzuru kwavakaenda vakawana kusina imwe mishonga ukuwo zvitoro zvinotengesa mishonga zvichida mari yekunze.

Mumwe mugari wekuGlenview Muzvare Joyleen Nyachuru vatiwo nguva zhinji nzvimbo yavo inenge isina mvura uye vakumbira kanzuru kuti imbovawanisa mvura mazuva ese kusvika dambudziko iri rapera.

Mutungamiriri weCommunity Water Alliance VaHardlife Mudzingwa vaudza Studio 7 kuti ongororo yavakaita kunzvimbo yeGlenview inoratidza kuti vakawanda varikuita manyoka vana vechidiki.

VaMudzingwa vatiwo vanoona sekuti kusagadzirwa kwemapombi emvura dzetsvina dzinenge dzaputika nenguva ndiko kunogona kuva kuri kukonzera dambudziko iri.

Kanzuru inoti parizvino vanhu vanosvika makumi mana nemana ndovakashanyira zvipatara zvavo nedambudziko remanyoka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG