Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanopomerwa Mhosva yeKuda Kupidigura Hurumende yaVaMnangagwa


Job Sikhala, the lawyer and MP for Zengeza West

Mutevedzeri wasachiagro weMDC, VaJob Sikhala, vapomerwa mhosva zviri pamutemo yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa zvichitevera mashoko avakataura pamusangano wavakaita nevatsigiri vavo kuBikita.

VaSikhala, avo vanomirira Zengeza West mudare reparamende, vazvipira kumapurisa epaHarare Central vaine magweta avo matanhatu anga achisanganisira mutevedzeri wemutungamiri weMDC, VaTendai Biti, VaObey Shava naVaJeremiah Bamu nevamwe.

Izvi zvinotevera kufonerwa kwavakaitwa nemapurisa neMuvhuro maerarano nemashoko avanonzi vakataura pamusangano wavakaita nevatsigiri vebato ravo kuBikita mudunhu reMasvingo mukupera kwesvondo.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaObey Shava, vati VaSikhala vapomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMnangagwa uye vati vari kutarisira kuti vamiswe pamberi pedare mangwana.

VaSikhala vava munhu wechimakumi maviri nemumwe chete kupomerwa mhosva yakadai gore rino chete.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakaudza bepanhau reHerald nezuro kuti hurumende haisi kufara nemashoko akataurwa naVaSikhala ekuti hurumende yaVaMnangagwa inofanira kubviswa pachigaro gore ra2023 risati rasvika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakatarisirwa kuenda kusarudzo zvakare muna 2023 asi VaSikhala vakati havasi kuzomirira kuti nguva yesarudzo isvike VaMnangagwa vari pachigaro vachiti VaMnangagwa vaondonga nyika zvave kupa kuti ruzhinji rweZimbabwe rwunhonge svosve nemuromo.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vakaburitsa mashoko nezuro vachiti sebato havawirirane nezvakataurwa naVaSikhala pamusangano wekuBikita uyu vachiti zvakataurwa naVaSikhala zvaive zvemupfungwa dzavo.

VaTamborinyoka vakati bato ravo rakazvipira kuunza shanduko munyika richishandisa nzira dziri pamutemo.

Asi mutauriri weboka revechidiki muMDC, VaStephen Chuma, vaudza Studio7 kuti boka ravo riri kutsigira VaSikhala nemashoko avanonzi vakataura kuBikita.

Nekune rumwe rutivi nhengo dzeMDC dzaswera dzichipa pfungwa dzakasiyana-siyana paFacebook nepaTwitter vamwe vachitsigira VaSikhala vamwe vachivatsoropodza vachiti zvavakaita zvaiva zvisina huchenjeri.

VaChuma vati zvakataurwa naVaSikhala mucherechedzo wekushupika kuri kuita ruzhinji rweZimbabwe kuburikidza nehutongo hwaVaMnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira vaudza Studio7 kuti huwandu hwevanhu vari kusungwa mushure mekuratidza kusafara kwavo nehutongo hwaVaMnangagwa hunoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

VaMukundu vati kusungwa kwaVaSikhala kunoratidza kuti Zimbabwe haisati yasvika pakunzi inyika ine hutongi hwejekerere.

Kubva zvakatora VaMnangagwa masimba kubva kuna VaRobert Mugabe vachibatsirwa nemauto, pave nevanhu vakawanda vapomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende pachigaro, makumi maviri nemumwe chete vasungwa gore rino chete vachipomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yavo.

Vanhu ava vanosanganisira hutungamiri hwesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG