Accessibility links

Breaking News

Varairidzi, VanaChiremba, naVanaMukoti Voramwa Mabasa


VaObert Masaraure

Sangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ rinoti nhengo dzaro zhinji hadzina kuenda kumabasa nhasi zvichitevera kurudziro yesangano iri yekuti varairidzi vasaende kumabasa vachitsutsumwa kuhurumende nemari dzemihoro.

ARTUZ inoti nhengo dzayo dzakawanda nhasi dzaswera dzichidziya mushana kudzimba dzisiri pabasa zvichitevera kurudziro yesangano iri yekuti nhengo dzaro dziramwe mabasa kubva nhasi kusvika neChishanu nepamusana pekushomeka kwemari dzemihoro dzavari kutambiriswa nehurumende.

Sachigaro weARTUZ mudunhu reHarare, VaMunyaradzi Masiyiwa vaudza Studio 7 kuti vadzidzisi vasina kuenda kumabasa nhasi vanodarika zvikamu makumi mana kubva muzana.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vatiwo vachatora matanho akasimbarara kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve isiri kuda kuvabhadhara nemadhora ekuAmerica.

Zvichakadai, mumwe mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chiri kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East, Amai Tinotenda Kahari, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kugadzirisa nhuna dzevarairidzi nekukasika kuitira kuti vana vasarasikirwe nedzidzo.

Zvichakadai, mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati nhengo dzesangano ravo dzichatangawo kuramwa mabasa svondo rinouya.

VaZhou vati sePTUZ vachataurawo nevemamwe masangano anomirira vashandi vose vehurumende kuti vaite muonerapamwe sechuma chemuzukuru.

Mutungamiri weZIMTA VaRichard Gundani vanotiwo havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa.

Zvichakadai, gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima vaudza Studio 7 parunhare kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti hurumende haikwanise kubhadhara varairidzi nemari yekunze kana kuvawedzera maRTGS parizvino.

Vati zvakawanda zvine chekuita nekuwedzerwa kwemari dzemihoro yevashandi vehurumende tibvunze kugurukota rezvemari VaMthuli Ncube avo vatisina kukwanisa kubata panharembozha yavo.

Mutauriri weHealth Apex Council VaPanganai Chivese vanoti vanachiremba, vanamukoti nevamwe vashandi vehurumende vatotanga kuramwa mabasa nezuro.

Vati vashandi vakawirirana kuenda kumabasa kaviri pazuva asi vachiita zvekuchinjana.

Vayambira kuti hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvavo havasi kuenda kubasa vose svondo rinouya. Vati health Services Board iyo tisina kubata yati hurumende yakanzwa chichemo chavo uye iri kuyedza kuchigadzirisa.

Sangano rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti mushandi anotambira mari iri pasipasi anofanira kutambiriswa mazana matanhatu emadhora ekuAmerica sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiwedzerwa mutengo muyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG