Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshora Kukwidzwa kweMitengo yeZvinhu


Mangaliso Ndlovu, minister of industries says he is aware of the problem Zimbabweans are facing regarding expensive bread and the answer is in a bread that is 100 percent Zimbabwean which a local company has started producing.
Mangaliso Ndlovu, minister of industries says he is aware of the problem Zimbabweans are facing regarding expensive bread and the answer is in a bread that is 100 percent Zimbabwean which a local company has started producing.

Bazi rinoona nezvekugadzirwa kwezvinhu nekutengeserana raparura hwaro huchatevedzerwa nenyika kusvika muna 2023 mukuedza kusimudzira nyaya dzekugadzirwa kwezvinhu nekutengeserana munyika gurukota rebazi iri richitsoropodza vemabhizimusi nekukwidza mitengo yezvinhu.

Gurukota rinoona nezvekugadzirwa kwezvinhu nekutengeserana, VaMangaliso Ndlovu, vashora vemabhizimusi nekukwidza mitengo yezvinhu zvisina tsarukano kubva pakarambidzwa mari yekunze kushandiswa munyika svondo rino.

VaNdlovu vati hapana chikonzero chingapa kuti vemabhizimusi vakwidze mitengo yezvinhu.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaHenry Ruzvidzo, vati vachatipa mhinduro yekuti sei vemabhizimusi vari kukwidza mitengo asi pataenda pamhepo, vanga vasati vapindura.

Asi mumwe muzvinabhizimusi ane kambani inotengesa zvipfeko zvedehwe, VaPatrick Gadzikwa, vati vemabhizimusi vari kutenga mari yekunze pamusika mutema kuti vakwanise kunohodha zvinhu zvekuisa muzvitoro zvavo sezvo vasiri kukwanisa kuwana mari yekunze iyi kumabhanga.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Amai Naome Chikanya, vatiwo vemabhizimusi vakarega kutenga mari yekunze pamusika mutema pairi kuwanikwa, vanobhuroka.

Amai Chikanya vati chava kudikanwa ndechekuti panodiwa kuti hurumende itaurirane nevemabhizimusi pamwe neveruzhinji isati yadzika mitemo inobata raramo yevemabhizimusi pamwe neveruzhinji.

Zvichakadai, VaNdlovu vati sehurumende vari kuedza kuita zvinhu zvakawanda zvekuedza kuti maindasitiri akwanise kushanda zvakanaka kuitira kuti Zimbabwe igokwanisa kutengeserawo dzimwe nyika kuti iwane mari yekunze.

VaNdlovu vatiwo kusamira zvakanaka kwehupfumi kwave kukonzerawo kuti nyika itenge zvinhu zvakaita segorosi, mukaka pamwe nematehwe (leather) kubva kunze kwenyika.

Pahwaro hwavaparura nhasi, vati hurumende ichakoshesawo nyaya yekugadzirwa kwezvinhu pamwe nekuwedzera huremu hwezvicherwa zvisati zvatengeswa kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG