Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambira Kukanzurira Mamwe Makambani eMafuta Marezenisi


Peace Talks Fortune Chasi
Peace Talks Fortune Chasi

Hurumende inoti ichatorera marezenisi makambani ezvemafuta kana akaramba achiita zvisina tsarukano zvainoti zviri kukonzera kushaikwa kwemafuta edzimotokari mumagaraji.

Dare remakurukota ehurumende rabvumirana nhasi kuti vane makambani emafuta vari kuita zvehuori vachiendesa mafuta pamusika mutema vachatorerwa marezenisi.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vaudza vatori venhau mushure memusangano wemakurukota uyu kuti hurumende haisi kufara nezviri kuitwa nemakambani aya izo zvavati zviri kupa kuti veruzhinji vashaye mafuta edzimotokari kunyange hurumende ichinge yaita zvose zvinodikanwa kuti munyika muve nemafuta anokwanira veruzhinji.

VaChasi vakurudzirawo veruzhinji kut vabhadhare zvikwereti zvavo kukambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, kuitira kuti hurumende igokwanisa kutengera nyika magetsi anovakwanira.

Mashoko aVaChasi aya anouya panguva iyo veruzhinji vari kugara vari murima kuburikidza nekushayikwa kwemagetsi anokwanira nyika.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvekudyina pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vakamirira gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati huremu hwemari huri kusiyana-siyana mubhanga sezvo huremu uhwu huchiowonekwa nekushanda kunenge kuchiita bhanga rimwe-nerimwe.

Zvichakadai, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati musangano wemakurukota ehurumende wabvumiranawo kuti mitemo mizhinji inanganiswe nebumbiro remitemo yenyika.

Masangano anoshanda akazvimirira anogara achinyunyuta kuti mitemo mizhinji haina kunanganiswa nebumbiro remitemo yenyika.

Amai Mutsvangwa vatiwo musangano wanhasi wabvumiranawo zvakare kuti dzimba dzinogara vashanyi vanenge vauye munyika, dzivandudzwe.

Amai Mutsvangwa vati hurumende icharamba ichiita zvose zvinodikanwa kuitira kuti veruzhinji vawane kugara kwakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG