Accessibility links

Breaking News

Nzendo DzaVaMnangagwa Kunze kweNyika Dzokonzera Kupesana


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weRussia VaVladmir Putin
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weRussia VaVladmir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari parwendo rwavo rwechimakumi matatu nematanhatu kunze kwenyika mukati memwedzi makumi maviri yapfuura. VaMnangagwa vari kuNiger parizvino uko vari kupinda mumusangano weAfrican Union.

Nzendo dzose idzi vari kudzienda vachishandisa ndege dzavari kubhadhara kubva kuDubai.

Asi kufamba kwaVaMnangagwa uku kwakonzera mutauro munyika vamwe vachiti kufamba-famba uku kuri kupedza mari yenyika asi vamwe vachitiwo zvichaunza pundusto mune ramangwana.

Vamwe munyika vanoti havasi kufara nekufamba-famba kuri kuita VaMnangagwa vachiti kupedza mari yenyika iyo yavanoti inofanira kunge ichishandiswa kuita zvinhu zvinosimudzira magariro everuzhinji.

Izvi zvatsinhirwa nemutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo avo vati mazakwatira emari ari kushandiswa naVaMnangagwa vachimbeya munyika dzakawanda imari inogona kugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji akafanana nekushayikwa kwemagetsi, mafuta edzimotokari nezvimwe zvakadaro.

Zvataurwa naVaMoyo zvatsinhirwawo nemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Muzvare Gladys Hlatshwayo avo vati kunze kwekuti VaMnangagwa vaswere vachitenderera kune dzimwe dzisina kana chadziinadzo, vanofanira kushandisi vamiriri veZimbabwe vari kunyika dzavari kufambira idzi zvinozoita kuti homwe yehurumende ichengetedzeke.

Asi nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati kufamba kuri kuita VaMnangagwa vachienda kumisangano yeAfrican Union nekune nyika dzakabudirira chinhu chakakoshera nyika zvikuru sezvo kumisangano iyi kuriko kwavanosangana nevatungamiri venyika dzakawanda.

VaMugwadi vatiwo hapana chinofamba muhurongwa hwehurumende hwekuedza kugadzirisa hukama hweZimbabwe nenyika dzepasi rose kana VaMnangagwa vakaswera vachidziya mushana vagere munyika.

VaMugwadi vatiwo veruzhinji vachatanga kuona pundutso munzendo dzaVaMnangagwa munguva pfupi iri kutevera.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vanofanira kugara pasi nemakurukota ehurumende yavo votsvaga nzira dzavangagadzirise nadzo zviri kunetsa munyika .

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dzinoti kubva zvavakatora masimba kubva kune vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaMnangagwa vaita nzendo dzakawanda kunze kwenyika asi pasina chinobatika chavati vadzoka nacho kunzeno idzi.

VaMnangagwa vashanyira nyika zhinji dzemuAfrica uye dzimwe dzakaita seSwitzerland, Belarus, Azerbaijani, Russia, Qatar nedzimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG