Zimbabwe yatarisana nemukwidza mukuru apo iri kupinda munhandare yeManuka Oval manheru eMuvhuro mumutambo wayo ne West Indies mumakwikwi eWorld Cup.
Ivory Coast, iyo ichange isina Didier Drogba kekutanga pamakore gumi adarika, ine rutisigiro rwakakura nemhaka yaYaya Toure, uyo anotambira Manchester City yekuEngland.
Zimbabwe yaive nemukurumbira wakaparira pasi rose ichitungamira muAfrica nevatambi vakaita saLangton Schoolboy Tinago, Zvenyika Mosquito Arifonso, Proud Kilimanjaro Chinembiri pamwe naStix McLoud avo vaive nemikombe yeCommonwealth pamwe neyemuAfrica.
Izvi zvinotevera kupedza kwakaita chikwata chema Cheetahs chiri pachinhanho chechitatu mumakwikwi eConfederation of African Rugby Sevens ayo aive nezvikwata gumi nezviviri paPrince Edward School muHarare.
Chikwata ichi chakatora mukombe we Chibuku Super Cup nekubudirira kuenda kunomirirra nyika muCaf Confederatrion Cup mumutambo wakabuda Harare City ichichema kuti yaive vabiririrwa nemuridzi wepembe, VaNomore Matemera.
Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa mushure mekunge ZPC Kariba yaita mashiripiti ikarova Dynamos 2-1 iyo iri kutarisirawo mukombe uyu nemziso matsvuku.
Kunyange hazvo Dynamos yakatambura kuita mangange 1-1 neChapungu, chikwata ichi charamba chiri pamusoro mushure mekunge zvikwata zviri kukwikwidza zveZPC Kariba neche Caps United zvarohwa mumitambo yazvo.
Mumusha weHighlanders mune kuchema kukuru zvichitevera kukwaturwa kwakaitwa chikwata ichi neSvondo.
Chikwata cheTriangle chiri kuenda kubhanga racho chichifara zvikuru zvichitevera kunyadzisa kwachakaita chikwata chine mukurumbira che Dynamos mumakwikwi ekupedzisira e One Wallet Cup Final.
Premier Soccer League yavhura mukana wezvikwata wekutenga vatambi vatsva pamwe nekutengesa vavasisade.
Highlanders ndiyo yave pamusoro peCastle Lager Premier Soccer League pazuva rimwe chete iro Liverpool iri kutarisira kuita zvimwe chetezvo mu English Barclays Premiership.
Vanhu vanotevera nhabvu yepamusoro muBritain vanoti maziso evazhinji ava kutarisa pachikwata cheLiverpool kuti chinogona kutora mukombe weBarclays Premiership gore rino.
Vatambi vechikwata chenyika chekiriketi vatanga gadziriro yavo yemakwikwi eTwenty 20 World Cup neMuvhuro mushure memwedzi miviri vachiramwa basa vachida kutanga vabhadharwa mari dzavo.
Aimbove shasha yepasi rose yemutambo wechesi, Garry Kasparov, apa ruyamuro kumutambo wechesi muZimbabwe uyo uri kushupika zvikuru nekushaikwa kwemari
Mhuri yenhabvu muZimbabwe haisi kufara nenzira iri kutorwa negadziriro yemakwikwi e 2014 African Nations Championships ayo achaitirwa muSouth Africa mwedzi unouya.
Chikwata chenyika che Zimbabwe Warriors chatanga neChitatu hupenyu hutsva mumusha wacho mutsva weBarbourfields Stadium kuBulawayo.
KuBarbourfields Stadium kuchange kuchidaidzwa asingwanzi neMugovera apo Highlanders ichakweshana ne How Mine mumakwikwi eMbada Diamonds Cup.
Castle Lager Premier Soccer League yave nezvikwata zvishomanana zvinobva muHarare mushure mekubuda kweBlack Mambas, Monomotapa pamwe ne Motor Action zvichisiya zvikwata zvitatu chete zvemuHarare mumakwikwi egore rinouya.
Kutora zvakare kweDynamos mukombe we Castle Lager Premier Soccer League gore rino kwava kuburitsa zvakare mibvunzo yakawanda panyaya yemamamiriro akaita nhabvu muZimbabwe.
Vanyori venhabvu, varidzi vepembe pamwe nevarairidzi venhabvu mangwana vari kusangana muHarare kuitira kuti vasarudze vatambi gumi nemumwe chete vakashura mare gore rino.
Rodhai zvimwe