Accessibility links

Breaking News

Gadziriro yeZimbabwe Warriors Yoshorwa neVamwe


Zimbabwe warriors
Zimbabwe warriors
Mhuri yenhabvu muZimbabwe haisi kufara nenzira iri kutorwa negadziriro yemakwikwi e 2014 African Nations Championships ayo achaitirwa muSouth Africa mwedzi unouya.

Vanoongorora zvenhabvu vanoti panguva ino Zimbabwe ingadai yave nechikwata chiri kuenda kumakwikwi e2014 African Nations Championships panzvimbo yekushandurwa shandurwa kuri kuitwa chikwata ichi sezviri kuitwa pari zvino.

Vanhu ava vanoti nguva iri kufamba zvekuti Zimbabwe ingadai yave kushandisa chikwata chiri kuenda kumaAfrican Nations Championshiships mumitambo yehushamwari iyo vari kurongerwa neZimbabwe Football Association seuriko nesvondo neMozambique kuBarborufields Stadium.


Asi vamwe vanoti haisi mhosva yemurairidzi weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, sezvo asina kupihwa mitambo neveZimbabwe Football Association yekuongorora vatambi vake pachiri nenguva.

Muongorori venhabvu, VaAndrew Rodzi, vanoti pane dambudziko guru rekuti panguva iyo chikwata chiri kuenda kuSouth Africa chichadomwa, panenge pasisina nguva yakakwana yekuti chikwata ichi chigadzirire zvakasimba sezvo mitambo yehushamwari nedzimwe nyika inenge yapera.

Pamutambo we Mozambique, murairidzi Gorowa akashandura nevatambi vatanhatu chikwata chakatamba neTanzania mwedzi wapera achiti iye ari kuda kumbotarisa vatambi vatsva.

Asi veruzhinji vanoti kana Zimbabwe ichida kunobudirira kuSouth Africa, ino ndiyo nguva yekuongorora masimbiro echikwata cheZimbabwe pane kuita gadziriro nevatambi vasiri kuenda kumakundano aya.

VaRwodzi vanoti chikwata chenyika chemakundano evatambi vanotambira zvikwata zvemunyika mavo chete ingadai chakasarudzwa mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League ichangopera.

Asi mumwe muongorori wenhabvu, uyezve aimboridza pembe munhabvu yepamusoro yePremier Soccer League, VaSam Hamandawana, vanoti vari kufadzwa nezviri kuitwa naGorowa sezvo ari kuedza kupa mukana kuvatambi vese.

VaHamandawana vanoti kukundikana kwaGorowa kunenge kwakonzerwa neZimbabwe Football Association iyo isina kumupa mukana wekuongorora vatambi panguva iyo aifanira kuita izvi.

Vachitarisa mafambiro ari kuita gadziriro iyi, Va Rwodzi vanoti havasi kuona Zimbabwe ichikwanisa kubuda mugungano rayo.

VeZimbabwe Football Association vari kutarisira kuti Zimbabwe ichatamba mumwe mutambo wehushamwari neGabon vasati vaenda kumakundano emuAfrica aya.

KumaAfrican Nations Championships ayo ari kupera musi wa 1 Kukadzi, maWarriors ari mugungano rimwe chete ne Morocco, Uganda, pamwe neBurkina Faso.

Hurongwa hwakabuditswa neveConfederation of African Football huri kuratidza kuti Zimbabwe iri kutanga kutamba neMorocco musi wa 12 Ndira 2014, vachizotevera nekutamba neUganda nekuzopedzisira neBurkina Faso.

MaWarriors, ayo akakwanisa kubudirira kuenda kumaAfrican Nations Championships maviri achangopfuura, ari kutarisira kekutanga kukunda kusvika munharaunda yechipiri.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG