Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeTsviva Yodzikira Zvakanyanya muZimbabwe


Boxing Glove
Boxing Glove

Mutambo wetsiva waita manyama amire nerongo muZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yaive nemukurumbira wakaparira pasi rose ichitungamira muAfrica nevatambi vakaita saLangton Schoolboy Tinago, Zvenyika Mosquito Arifonso, Proud Kilimanjaro Chinembiri pamwe naStix McLoud avo vaive nemikombe yeCommonwealth pamwe neyemuAfrica.

Asi nhasi haichataurwa nezvayo mumutambo uyu sezvo isisina vatambi vane hunyanzvi.

Kuwira pasi kweZimbabwe mumutambo wetsiva uyu kwakabuda pachena pamakundano eAfrica Sports Region 5 Youth Games ayo akaitirwa muBulawayo mukutanga kwemwedzi uno apo vatambi vetsiva vemunyika vese, kunze kwemumwe chete vakadamburwa munharaunda yekutanga.

Zvenyika Arifonso, uyo anonyanyozivikanwa nezita rekuti Mosquito, akatora mukombe weCommonwealth kaviri uyezve akave wekugumisira kuita zvinoshura izvi, anobvuma kuti mutambo uyu wawira mumadhaka chaimo.

Kunze kwaCharles Manyuchi uyo ane mukombe wemuAfrica pamwe neweWorld Boxing Council International wehuremu hwe welterweight, Zimbabwe haisisina kana mutambi mumwe chete ari kukwikwidza kutora mukombe wemuAfrica kana wepasi pasi weAfrica Zone Six zvawo.

Asi Manyuchi wacho haasati amborwira muZimbabwe zvekuti vakawanda vanotevera mutambo uyu kune dzimwe nyika vanofunga kuti mutambi uyu ndewe kuZambia uko Manyuchi anotorawo sekumusha kwake.

Aimbove shasha yeZimbabwe yehuremu hwe light-heavyweight pamwe newe heavyweight, Arigoma Chiponda, anoti vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe National Boxing Control Board ndivo vauraya mutambo.

Chiponda anoti mutambo uyu unofanira kutungamirwa nevakambopinda munhandare vachivhika zvibhakera.

Asi vaive munyori mukuru weZimbabwe National Boxing Control Board, VaGilbert Munetsi, vanoti vakaregedza basa mwedzi wapera vachipopota ivo kuti hurumende yemuno haisi kupa mutambo uyu ruyamuro neruremekedzo rwunokodzera

Izvi zvakatsinhirwawo zvekare naManyuchi uyo anoti maitiro evari kutungamira bazi rezvemitambo muhurumende haaite kuti vechidiki vaite shungu dzekupinda mumutambo uyu.

Achitaura neStudio Seven mushure mekugamuchidzwa mukombe weZimbabwe Sportsperson of the Year Award musi wa 17 Zvita, Manyuchi akati vari pamusoro soro mumutambo uyu muhurumende vanofanira kuremekedza zviri kuitwa nevatambi kuti zvikwezve vechidiki vakawanda mumutambo uyu.

Mutambi wetsiva wehureme hwe middleweight, Farai Mugoni, anoti chikonzero chekuwira pasi kwemutambo uyu ndechekuti hakuchisina varongi vemitambo vakaita savana Lorraine Muringi, Stalin Mau Mau, Paul Murinye pamwe nemushakabvu Jeff Dube, avo vaiita kuti kuve nemitambo svondo rege rega.

Izvi Mugoni anoti zviri kuita kuti vatambi vemuno varohwe zvinonyadzisa apo vanonotamba nevekune dzimwe nyika sezvo venenge vasina kugadzirira zvakakwana.

Asi VaMau Mau vanoti mamiriro ezvehupfumi munyika haachatenderi kuti munhu mumwe chete abuditse mari yekuronga nekuisa mari mumitambo yetsiva sezvo kusisina mari munyika.

Va Mau Mau vanoti hazvichakwanisika kuisa mari mumutambo wetsiva unove mafaro iko kumba vana vachishaya chekudya kana kutadza kuenda kuchikoro.

VaMau Mau vanoti vari kutotarisirawo rutsigiro kubva kumakambani anopa mari mumitambo.

Vanowedzera ivo kuti makambani aya haafanire kusarudza nekupa mari kune mitambo ine mukurumbira chete yakaita senhabvu nekiriketi vachikanganwa tsiva iyo yakapa Zimbabwe mukurumbira.

Asi chiri kunetsa ndechekuti makambani mamwe chetewo akatarisanawo zvekare nedambudziko rekushaya mari zvekuti mamwe acho ari kuvhara, mamwe achibuditsa vashandi basa.

Achiri kukwanisa kuisa mari mumitambo ari kuisawo mari shoma shoma.

Zvinhu zvikaramba zvakadai, zviri kuratidza kuti zvichatora nguva yakareba zvikuru kuti Zimbabwe ikwanise kuwana zvekare vatambi veboxing vakaita saSchoolboy, Kilimanjaro, kana the Mosquito.

XS
SM
MD
LG