Accessibility links

Breaking News

Shasha dzeNhabvu Dzosarudzwa neMugovera


Castle Lager Premier League logo
Castle Lager Premier League logo
Vanyori venhabvu, varidzi vepembe pamwe nevarairidzi venhabvu mangwana vari kusangana muHarare kuitira kuti vasarudze vatambi gumi nemumwe chete vakashura mare gore rino.

Vateveri venhabvu vanga vachiita maroto evatambi vavanga vachifunga kuti ndivo vakashura mare kudarika vose gore rino, asi maroto aya ari kupera mangwana apo pari kusarudzwa vatambi gumi nemumwe chete vakatamba zvinonwisa mvura.

Kunyanwe hazvo vatambi gumi nemumwe chete ava vachabuditswa pachena mushure mesarudzo iyi, mutambi akakunda vese gore rino nevaviri vachamutevera pamwe nemurairidzi ari pamusoro soro, vachabuditswa pachena pamabiko achaitwa neveDelta Beverages vachipemberera vakakunda vese gore rino.

Asi vatsigiri venhabvu vanoti vasarudzi vevatambi ava vanofanira kuita basa ravo nemazvo kwete kusarudza vatambi nekuti vanobva kudivi ripi renyika kana kuti vanotambira chikwata chipi.

Mutsigiri wenhabvu anozivikanwa zvikuru, VaChris Romario Musekiwa, vanotaura zvavanotarisira kubva kune vari kusarudza vatambi ava.

VaTendai Barnes Zhakata, avo vaitungamira sangano revatsigiri venhabvu reWarriors Fan Club, vanowedzerawo vachiti vanosarudza havafanire kukanganisa nhabvu iyo yanga ichinakida zvikuru gore rino.


Zvakamira zvakadai, VaReuben Muhambi, avo vanotsigira chikwata cheDynamos, vanotipa vatambi vavanofunga kuti ndivo vakarura gore rino.

Asi Va Muhambi vanobuda pachena kuti wavanofunga kuti ndiye mhizha yegore rino ndiani.

Va Farai Chitate, avo vanotevera chikwata che Caps United, vanobvumirawo naVaMuhambi.

VaChitate vatipawo vamwe vavanofunga kuti vachakwikwidza zvine mutsindo.

Vakawanda vatataura navo vari kutenderanawo naVa Muhambi pamwe naVa Chitate vachiti ivo Ndoro ndiye ari pamusoro soro pamwe chete naTawanda Murapati weDynamos, Njabulo Ncube naTichaona Diya veHighlanders pamwe naSilas Songani weHarare City.

Mutambi achakunda vese achapihwa mari inoita iyo zviuru zvhishanu zvemadhora.

Vachamuteverra vachawana zviuru zvitatu nezviuru zviviri zvemadhora zvakamira zvakadaro. Vamwe vasere vachakwikwidza vachawanawo chiuru chamadhora pamutambi wega wega.

Muraidzi achakunda achawanana zviuru zvitatu nemakumi mashanu emadhora.

Vari kutarisirwa kukwikwidza ndi Bigboy Mawiwi we Harare City, Kelvin Kaindu weHighlanders, Kaliso Pasuwa weDynamos, pamwe nePilani Ncube weHow Mine.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG