Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Nhabvu Iri Kudzikira muZimbabwe


Dynamos vs Highalnders
Kutora zvakare kweDynamos mukombe we Castle Lager Premier Soccer League gore rino kwava kuburitsa zvakare mibvunzo yakawanda panyaya yemamiriro akaita nhabvu muZimbabwe.

Dynamos yakaita zvakanga zvisingafungirwe mushure mekupedza iine maponzi mamwe chete neHarare City pamwe neHighlanders apo veruzhinji vaitarisira kuti Harare City ichatora mukombe uyu kekutanga kubvira yapinda muPremier Soccer League.


Vaimbotambira chikwata cheKadoma United, VaAleck Muhoni, vanoti kuramba Dynamos ichingokunda iri yega hazviratidze ramangwana rakanaka nenhabvu muZimbabwe.

Munyori wenhabvu mubepanhau reSunday Mail, Langton Nyakwenda, anotiwo nhabvu yemunyika muno yave kutevera nhabvu yekuTunisia nekuSudan uko zvikwata zveEsperance neAl Hilal ndizvo zvinongotora mikombe yenhabvu.

Mumitambo yekugumisira, chikwata che Harare City ndicho chaitarisirwa kutora mukombe uyu asi chakatadza kuita izvi mushure mekuita mangange neCaps United muNational Sports Stadium.

Murairidzi weHarare City, Bigboy Mawiwi, anoti ari kurwadzikana zvikuru nekukundikana kwechikwata chake panguva iyo vanga vave pedzo nekutora mukombe.

Dynamos ichapihwa mari inoita iyo zviuru makumi manomwe zvemadhora, uye ndiyo ichamiririra nyika muCaf Champions League.

Dynamos yakagumisira kumirira nyika mumakundano emuAfrica aya gore rino asi chakwata ichi chakadamburwa munharaunda yechipiri.
XS
SM
MD
LG