Accessibility links

Breaking News

Vatambi veKiriketi Vogadzirira Makwikwi eTwenty 20 World Cup


Vatambi vechikwata chenyika chekiriketi vatanga gadziriro yavo yemakwikwi eTwenty 20 World Cup neMuvhuro mushure memwedzi miviri vachiramwa basa vachida kutanga vabhadharwa mari dzavo.

Izvi zvaitika mushure mekunge vatambi ava vapihwa mari yavo yemihoro iyo vanga vasingapihwe kwemwedzi mina yapfuura.

Asi mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Steve Mangongo, audza vatori venhau kuti vatambi vese vauya kugadziriro mushure mekunge vaona mari dzavo dziri mumabhanga avo.

Vatambi ava vanga vabuda pachena kuti mari dzavo dzikasawanika kumabhanga havasi kuzobatana mugadziriro yemakwikwi aya.

Pamusoro pazvo, kiriketi yezvikwata zvemuno haisati yatanga nemhaka yekuti vatambi ivava vaifanira kutambiriswa neZimbabwe Cricket vasati vadzoka munhandare.

Mangongo anoti kuramba basa kwevakomana vekiriketi kwakanganisa zvikuru gadziriro yavo yemitambo yeWorld Cup.

Asi vati vari kufara kuti kuramwa basa uku kwapera.

Zimbabwe iri kufanira kutamba neIreland pamwe neNetherland munzira yekuenda kumakundano eTwenty 20 World Cup.

Makundano emunzira iyi ari kuitirwa kuBangladesh muna Kurume.

Zimbabwe, iyo yaimbotamba makwikwi eWorld Cup isingatambe nenyika dziri pasi pasi, yasvika pakadai nemhaka yekuti chikwata ichi chadzikira zvikuru mumutambo uyu pasi rose.

VeZimbabwe Cricket, avo vane zvikwereti zviri kusvika izvo mamirioni gumi nemasere emadhora, vakatambidzwa mari inoita iyo mamirioni matatu neveInternational Cricket Council kuti vabhadhare vatambi vairamwa basa ava.

Asi havasi ivo vega vezvemitambo vari kuchema nenyaya dzemari.

Chikwata chine mukurumbira chenhabvu cheDynamos chakafamba nebhazi kuenda kuBotswana mumakwikwi eCaf Champions League nemhaka yekushaya mari.

Chikwata ichi chakanoita mangange 1-1 izvo zvakaita kuti chienderere mberi ne 4-1 zvibodzwa zvose zvasanganiswa mumakundano ane mazimari mazhinji ezvikwata muAfrica.

Dynamos yave kusangana neAS Vita yekuDemocratic Republic of Congo, iyo yakadambura Kamo Pillars yekuNigeria.
XS
SM
MD
LG