Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yomirira Zimbabwe muCaf


Platinum FC
Platinum FC

Chikwata cheFC Platinum chabudirira kunomiririra nyika mumakundano e2015 Caf Confederation Cup zvichitevera kukunda kwachakaita nesVONDO.

Chikwata ichi chakatora mukombe we Chibuku Super Cup nekubudirira kuenda kunomirirra nyika muCaf Confederatrion Cup mumutambo wakabuda Harare City ichichema kuti yaive vabiririrwa nemuridzi wepembe, VaNomore Matemera.

Harare City yaive yakatungamira 1-0 mutambo wave nemaminitsi anokwana mana awedzerwa apo pakanwiswa chibodzwa neveFC Platinum murairidzi wavo Masimba Dinyero nevamwe vakawanda vaive munhandare iyi vachiti ivo bhora raive risina kudarika mutsetse.

Dinyero haana kuda kuvanza nezvaanofunga kuti ndizvo zvakaitika pamutambo uyu.

VaMatemera vakaramba kutaura nezvemutambo uyu apo Studio7 yakaedza kutaura navo nezvavaipomerwa zvekuve kudivi reFC Platinum.

Murairidzi wechikwata cheFC Platinum, Norman Mapeza, anoramba kuti chikwata chake chakabatsirwa nemuridzi wepembe asi achibvuma kuti mutambo wanga wakaoma.

Uyo wave mukombe wechipiri waMapeza achirairidza FC Platinum, asi uri wechitatu kuchikwata ichi. FC Platinum yakatora mukombe weIndependence Trophy apo yairairidzwa naLloyd Mutasa.

Asi Mapeza anofunga kuti fainari yeChibuku Super Cup yaive isingafanirwe kuve yakatambirwa mumusha wavo weMandava Stadium.

Pakutora mukombe uyu, FC Platinum yakawana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora. Chikwata chakakundwa cheHarare City chakawana madhona zviuru makumi mashanu.

Chikwata cheFC Platinum chichamiririra nyika zvekare mumakwikwi eCaf Confederation Cup muna 2015.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG