Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoita Chamurambamhuru muCastle Lager Premier League


DeMbare
DeMbare

Dynamos yawedzera mapoinzi ayo kuitira kuti irambe iri pamusoro pemakundano eCastle Lager Premier Soccer League.

Kunyange hazvo Dynamos yakatambura kuita mangange 1-1 neChapungu, chikwata ichi charamba chiri pamusoro mushure mekunge zvikwata zviri kukwikwidza zveZPC Kariba neche Caps United zvarohwa mumitambo yazvo.

Mangange aya asiya Dynamos iine mapoinzi makumi mashanu ichiteverwa neZPC Kariba iyo ine mapoinzi makumi mana nemanomwe mushure mekunge yakundwa 1-0 neFC Platinum.

Caps United, iyo yakarohwawo 2-1 neTriangle, ndiyo iri pachinhanho chechitatu iine maponzi makumi mana nemashanu.

Kwasara mitambo mina kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo, zviri kuratidza kuti Dynamos ingangotora zvekare mukombe uyu sezvo ichatamba mitambo yayo yese yasara muHarare.

Dynamos ichatamba mitambo yayo yekunze neHarare City pamwe neZPC Kariba iyo inoshandisa nhandare yeGwanura Stadium sepamusha.

Panguva iyo Dynamos yatarisana nekutora mukombe kechina kakateverana, zvimwe chetezvo hazvisi kutaurwa pamusoro peHighlanders iyo yakarohwa neChicken Inn 1-0 zvichireva kuti Highlanders yarohwa mitambo yayo mitanhatu yakateverana.

Kukundwa kwakaitwa Bosso uku kwasiya chikwata ichi chadzikira zvikuru mumakundano aya zvekuti chave pachinzvimbo chechinomwe mumakundano ane zvikwata gumi nezvitanhatu.

Chikwata cheChiredzi pamwe necheBantu Rovers zvichange zvisiri mumakundano aya gore rinouya. Zvikwata zvakaita seBlack Rhinos, Triangle, Shabanie Mine, How Mine, Chapungu, neHarare City hazvisati zvapunyuka asi mutsigiri weShabanie Mine, Muzvare Margaret Muchinapo, vanoti Shabanie hakuna kwainoenda.

Chikwata cheHwahwa Prisons, icho chinotambira muEastern Region Division One, chakatobudirira kutamba muCastle Lager Premier Soccer League gore rinouya.

Mumakundano eBarclays English Premiership, Robin Van Persie akanwisa chibodzwa mutambo wave kuenda kunopera akabatsira Manchester United kuita mangange 1-1 nechikwata chiri pamusoro soro cheChelsea.

Chelsea yanga yatarisana nekusiya chikwata chiri kutevera cheSouthampton nemaponzi matanhantu mushure mekunge Didier Drogba anwisa asi izvi hazvina kukwanisika mushure mekunge Van Persie anwisawo apo muridzi wepembe anga ave kuda kuridza kuti mutambo wapera.

Asi Chelsea iri kuramba iri pamusoro nemapoinzi makumi matatu yakasiya Southampton nemaponzi mana. Southampton yakarova Stoke City 1-0 kuti idarike Manchester City iyo yakakanganiswa neWest Ham mushure mekurohwa 2-1.

Manchester United yadzikira kusvika pachinhanho chechisere mushure memangange neChelsea iri pasi peLiverpool iyo ine mapoinzi gumi nemana mushure mekuita mangange 0-0 neHull City.

Mimwe mitambo yakapera yakamira seizvi:

Burnley... 1 Everton.. 3

Tottenham... 1 Newcastle... 2

Sunderland... 0 Arsenal... 2

West Bronwich Albion... 2 Crystal Palace... 2

Mumutambo weLaliga, Real Madrid Yakarova Barcelona 3-1 ichibva yafamba kusvika pachinhanho chechitatu iine mapoinzi makumi maviri nerimwe chete.

Barcelona ndiyo iri pamusoro nemapoinzi makumi maviri nemaviri.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG