Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kusvika kwambvuya yacheka makumbo neMugovera.
Varairidzi nemakaputeni ezvikwata zvenhabvu zvemuPremier Soccer League vakabatana pamwe nevanyori vemutambo wenhabvu vari kusangana musi wa 29 Mbudzi kuti vasarudze vatambi gumi nemumwechete avo vakaita mashiripiti gore rino.
Ngezi Platinum Stars yayambira Caps United kuti isapemberere kutora mukombe weligi zvechimbichimbi nekuti munhabvu munhu anofanira kutenda maruva adya chakata.
Vatambi venhabvu veZimbabwe vane mukurumbira vave mukamba kugadzirira mutambo wavo wekuratidzana masimba neTanzania.
Murairidzi wechikwata cheNgezi Platinum iyo yakashura mare nekurova FC Platinum 3-1 neMugovera VaTonderai Ndiraya vanoti chidokwadokwa chekuda kunotamba mumakwikwi emuAfrica ndizvo ndicho chakapa kuti vakomana vechikwata chavo chisimudze mukombe weChibuku Super Cup
Vatsigiri venhabvu vatarisana nemitambo miviri yemhando repamusoro iyo iri kutambwa zuva rimwechete mukupera kwesvondo.
MaMighty Warriors arikuda $300 000 kuti vasimuke kuenda kunokwikwidza kumaAfrica Women’s Championships kuCameroon.
Castle Premier Soccer yazivisa nhasi kuti mafainals emakwikwi eChibuku Super Cup pakati peNgezi Platinum ne FC Platinum kuBaobab Stadium nemusi weMugovera.
Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa apo arikupinda musvondo remakumi maviri nemasere.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma nemusi weMuvhuro vatenda zvikuru chikwata cheSundowns nekukunda Zamaleck yekuEgypt 3-1 mumafainari emukombe weCAF Champions League.
Makundano eChibuku Super Cup ar ikupinda musemi fainari apo Highlanders yadongorera mufainari.
Aimbove kaputeni wechikwata chenyika cheZimbabwe Heath Streak ndiye adomwa kuita murairidzi mutsva wechikwata chenyika checricket chemaChevrons. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi.
Draw yema semi fainari eChibuku Super Cup yakaitwa kumahofisi ePremier Soccer League nemusi weChipiri.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League amboenda kuzororo kupa mukana kumakwikwi eChibuku Super Cup.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa kwasara mitambo mishanu kuti mitambo ipere.
Dyanamos iyo ine gakava mumba mayo iri kutarisirwa kutamba nechikwata chiri kutungamira gungano reCastle Premier Soccer Leagur cheFC Platinum mumutambo wakatarisirwa neveruzhinji munyika.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa kumbopa mukana kuChibuku Super Cup. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi.
Chikwata ichi chayambira Highlanders kuti isafunge kuti ichangotora mapoinzi sezvavakamboita apo vakambotamba vese Bosso ikakunda 2-0 muRufaro Stadium.
Chikwata cheZimbabwe chazorohwa kekutanga munzira yekuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.
Team Zimbabwe irikudzoka kumba isina chayakabata kubva kuma 2016 Olympic Games.
Rodhai zvimwe