Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotamba neChipolopolo yekuZambia


DR Congo's Dieumerci Mbokani, left, is challenged by Zambia's Kondwani Mtonga, right, Sunday, Jan. 18, 2015.

Vatsigiri venhabvu vatarisana nemitambo miviri yemhando repamusoro iyo iri kutambwa zuva rimwechete mukupera kwesvondo.

Chikwata chenyika chemaWarriors chirikusanga neZambia mumutambo wehushamwari, zuva rimwechete FC Platinum Stars iri kubandana neNgezi Platinum Stars mufainari yeChibuku Super Cup munhandare yeBaobab Stadium nemusi weMugovera.

Asi chiri kushamisa ndechekuti veZifa vasarudza kuti mutambo wemaWarriors utambwe apo fainari yeChibuku ichangopera panzvimbo yekuti mutambo uyu utambwe neSvondo apo pasina mimwe mitambo yenhabvu iri kutambwa munyika.

Murairidzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa ari kushandisa mutambo uyu kugadzira chikwata chake akatarisana nemakwikwi e 2017 Africa Cup of Nations ayo ari kuitirwa kuGabon muna Ndira.

Pasuwa ari kushandisa vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika chete uyezve adaidza vatambi vari kutungamira pakunwisa zvibodzwa muPremier Soccer League Leonard Tsipa weCaps United naGift Mbweti weHwange.

Asi veruzhinji varikunyanyotaura nezvefainari iyo irikusangana zvikwata zviviri zvinopihwa mari nemakambani anoita zvekuchera platinum.

Sachigaro weNgezi Platinum Stars VaJeremiah Getiseni vanoti vaita rombo rakanaka rekuti vataridze nyika yese zvavanokwanisa kuita.

Vanotevera nhabvu vane maonero avowo ekuti chikwata chavanofunga kuti chichatora mukombe uyu ndechipi.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaAndrew Rwodzi vanoti Ngezi Platinum Stars inogona kutora mukombe uyu nemhaka yekuti ine vatambi vatamba muPremier Soccer League kwemakore akawanda.

Asi muteveri wemutambo uyu vaMisheck Chisaga vanoti vanonakidzwa zvikuru nematambiro anoita FC Platinum iyo inodaidzwa neveruzhinji kunzi Kugona Kunenge Kudada.

Mutsigiri weKugona Kunenge Kudada VaNorman Machando vanoti zviri pachena kuti chikwata chavo ndicho chirikuenda nemukombe.

Chikwata chirikutora mukombe uyu chirikupihwa mari inoita zviuru makumi manomwe nezvishanu uyezve chinobudirira kumirira nyika mumakundano emuAfrica e2017 Caf Confederation Cup.

Vanokundwa mufainari iyi vanowanawo zviuru makumi mashanu zvemadhora.

XS
SM
MD
LG