Accessibility links

Breaking News

VaTonderai Ndiraya neNgezi Platinum Vonanga kuMakwikwi eCAF Confederation Cup


Chibuku super cup
Chibuku super cup

Murairidzi wechikwata cheNgezi Platinum iyo yakashura mare nekurova FC Platinum 3-1 neMugovera VaTonderai Ndiraya vanoti chidokwadokwa chekuda kunotamba mumakwikwi emuAfrica ndizvo ndicho chakapa kuti vakomana vechikwata chavo vatambe nesimba vachibva vasimudza mukombe weChibuku Super Cup.

Uyu ndiwo mukombe wekutanga wasimudzwa naVaNdiraya semurairidzi kubva zvavatanga basa iri mushure mekumbotambira chikwata chine mukurumbira munyika cheDynamos. VaNdiraya vanoti vari kunzwa kufara zvikuru nezvakaitwa nechikwata chavo.

Sachigaro weNgezi Platinum Stars VaJeremiah Getiseni vanoti zvaitwa nechikwata chavo zvinhu zvinofadza mhuri yese yeNgezi.

Mutambi weNgezi Platinum Stars Donald Teguru anoti ari kufara zvikuru sezvo kari kekutanga muhupenyu hwake kutora mukombe mukuru wakadai.

VaNdiraya vanoti vakagara pasi vakatarisa matambiro eFC Platinum ndokuirongera kuti vangairove sei.

Vanoti nyaya yekuda kupinda mumamwikwi eConfederation Cup yakaita kuti vatambi vavo vatambe zvine mutsindo.

Mukutora mukombe uyu, Ngezi Platinum Stars yave chikwata chechitatu munhoroondo yenhabvu muZimbabwe kutora mukombe mukuru gore iro vapinda muPremier Soccer League.

Zvimwe zvikwata zvakaita izvi iBlackpool iyo yakatora mukombe weZifa Cup muna 1994 neShabanie Mine iyo yakatora mukombe weBP League Cup muna 2011 vachingobva muDivision One.

VeNgezi Platinum Stars vakatambidza mukombe pamwe nemari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora

FC Platinum yakatendwawo nemari inoita iyo zviuru makumi mashanu.

Panguva imwecheteyo, chikwata chemaWarriors chakarova Zambia 1-0 mumutambo wehushamwari uyo wakatambwa muNational Sports Stadium mutambo weChibuku final uchangopera.

Asi mutambo uyu wakakwezva vanhu vashoma shoma sezvo vatsigiri venhabvu vaingasvike chiuru chimwe chete ndivo vakakwanisa kuona Teenage Hadebe achikanda bhora mumambure.

Murairidzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa aishandisa mutambo uyu kuona vatambi vaangatore kuisa muchikwata chake chichaenda kuma2017 Africa Cup of Nation ayo achaitirwa muGabon muna Ndira.

Mumwe mutambo wekuedzana masimba wemaWarriors uriko musi wa 14 Mbudzi apo varikutamba neTanzania.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG