Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zvePremier League Zvorwira Mukombe weChibuku Super Cup


Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa kumbopa mukana kuChibuku Super Cup.

Makundano emukombe weChibuku Super Cup aya akatanga neChishanu masikati apo chikwata cheHarare City chakarakasha Border Strikers 4-0.

Chikwata cheHarare City ndicho chine mukombe uyu mushure mekurova Dynamos 2-0 mufainari yegore rapera.

Dynamos yacho iri kutarisira kudarika zvayakaita gore rapera nekutora mukombe uyu gore rino apo varikusangana neHow Mine muRufaro Stadium.

Mubati wehomwe wechikwata ichi VaWebster Marechera vanoti chinangwa chavo kubuda munharaunda yekutanga iyo vanoti mutambo neHow Mine wakaoma zvikuru.

VaMarechera vanoti varikutarisira kutora mari yekukunda iri mumukombe uyu kuitira kuti vazvirerutsire munyaya dzemari idzo dzanetsa zvikuru munyika.

Mukombe weChibuku Super Cup ndiwo wega sirivha yasara kuDynamos sezvo zveligi zvakaramba svondo rapera apo yakarohwa 2-1 neHighlanders.

Asi Bosso irimowo mumukombe uyu, neMakepekepe zvekare. Dynamos inofanira kurova zvikwata zvikuru izvi kana ichida kutora mukombe uyu nezviuru makumi manomwe nemakumi mashanu emadhora.

Highlanders iri kusanganda ne Mutare City mu Babourfields Stadium apo Makepeke achadamburana neTsholotsho Pirates muNational Sports Stadium.

Anotaura akamirira maGreen Machine Joyce Kapota anoti varairidzi vavo vakagadzirira zvakakwana mitambo yeChibuku Super Cup.

Chikwata chiri kutungamira makwikwi ePSL, uyezve chiriicho chakatora mukombe weChibuku Super Cup muna 2014, cheFC Platinum chirimumuMandava Stadium umo chirikutatsurana masimba neChapungu.

Ngezi Platinum Stars iyo yakavaka nhandare yakanaka zvikuru iyi yeBaobab Stadium umo irikubandana neHwange panguva imwecheteyo ZPC Kariba iine Bulawayo City muNyamhunga.

Triangle neChicken Inn ndidzo dzichavhara musangano muGibbo Stadium neSvondo.

Makundano eChibuku Super Cup arikutarisirwa kupera musi wa 5 Mbudzi.

Rugby

Chikwata chenyika cheRugby chevanhukadzi chemaLady Cheetahs chiri kutarisira kusimudzira mureza weZimbabwe mumakwikwi eAfrica Rugby Women’s Championships ayo ari kuitwa muHarare mukupera kwesvondo.

Izvi zvinotevera kukundwa kwakaita chikwata chemaSables muAfrica Cup umo chakarohwa mitambo yavo yese mitatu ndokubuda zvekare mumakwikwi e2019 World Cup.

MaLady Cheetahs arikurwira mukombe wemuAfrica muPolice Grounds neTunisia, Uganda, Zambia, Senegal, South Africa neNamibia.

Namibia neSouth Africa ndidzo nzingangoomesera Zimbabwe mumakundano aya.

XS
SM
MD
LG