Accessibility links

Breaking News

Highlanders neFC Platinum dzotarisirwa Kupinda muMafinals eChibuku Super Cup


Chibuku Super Cup
Chibuku Super Cup

Makundano eChibuku Super Cup ar ikupinda musemi fainari apo Highlanders yadongorera mufainari. Chikwata chinotora mukombe weChibuku Super Cup chinobudirira kumiririra nyika mumakwikwi emuAfrica eCaf Confederation Cup

Highlanders haisi kuvanza kuti chinangwa chavo ndechekutora mikombe yese mikuru weleaague newe Chibuku Super Cup.

Chikwata ichi svondo rino chiri kuswedera pedyo nekuzadzikisa chinangwa chavo apo vari kusangana neNgezi Platinum Stars musemi fainari yeChibuku Super Cup muBabourfields Stadium.

Pakambosangana zvikwata zviviri izvi munhandare imwe cheteyo, Ngezi Platinum Stars yakabuda ichizhamba ichiti yaive yabirirwa mushure mekunge Highlanders yapihwa penareti mutambo wave kupera ndokukunda 2-1.

Asi ikozvino kuzhamba uku kungangotadza kuitika sezvo Highladers yacho iri kubvira moto. Bosso yakunda mumitambo gumi yavo yakateverana zvekuti pane vakawanda varikuti Ngezi Platinum Stars haisi kumira. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

VaRichard Musengezi mutsigiri wenhabvu vanoti mutambo uyu uchange wakaoma asi vari kuona Highlanders ichienderera mberi nekukunda kwayo.

Asi Highlnders isafunge kuti yakatokunda kare nekuti Ngezi Platinum Stars inozivikanwa nenyaya yekuita zvishamiso.

Imwe semi fainari iri kuMandava Stadium mangwana uko FC Platinum irikubandana neHarare City iyo inorairidzwa naMoses Chunga.

Pakapedzisira kusangana zvikwata zviviri izvi Kugona Kunenge Kudada yakarohwa 2-1 ndokubviswa pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League zvekuti vane shungu dzekudzorera.

Murairidzi wavo Norman Mapeza anoti haasi kutarisa kuti uyu mutambo weligi kana wemukombe. Anoti iye vari kugadzirira mutambo uyu sezvavaingoita imwe yese yavakatamba.

Murairidzi wemaSunshine City Boys Moses Chunga anoti mutambo wese wavanotamba vanotarisira kukunda achiti iye zvemutambo we Platinum arikuzvigadzirisa.

Vakawanda vasineyi nezvikwata zvirikutamba izvi varikuona kunge fainari ichave pakati peFC Platinum neHighlanders. Fainari yemukombe uyu iriko musi wa 5 Mbudzi.

XS
SM
MD
LG