Accessibility links

Breaking News

MaFinals eChibuku Super Cup Otambwa neMugovera


Chibuku Super Cup
Chibuku Super Cup

Castle Premier Soccer yakazivisa nemusi weMuvhuro kuti mafinals emakwikwi eChibuku Super Cup pakati peNgezi Platinum ne FC Platinum kuBaobab Stadium nemusi weMugovera.

Zvichakadaro Chikwata cheCaps United chadongorera mumhango memukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Kwasara mitambo miviri kuti mitambo isvike kwamvura yacheka makumbo, Caps United yave nemapoinzi maviri pamusoro peFC Platinum zvichitevera mitambo yakatambwa mukupera kwesvondo.

Izvi zvinotevera kukunda kwavakaita Harare City 1-0 nechibodzwa chaLeonard Tsipa izvo zvavasiya vave nemapoinzi makumi mashanu nemanomwe, maviri pamusoro peFC Platinum iyo yadarika Highlanders mushure mekunge yakunda Chapungu 2-0 kuAscot Stadium.

Highlanders yadonha kusvika pachinhanho chechitatu, mapoinzi mana pasi peCaps United, uyezve poindi imwechete pasi pe FC Platinum zvichitevera kurohwa pamusha kwayakaitwa 2-1 nechikwata chakatarisana nekuwira muDivision One cheTsholotsho Pirates.

Asi Makepekepe ndiyo inongove nyaya mushure mekukunda maSunshine City Boys mumutambo waive wakaoma zvikuru uyezve wakaunganidza vatsigiri veCaps United zviuru nezviuru.

Kunyange hazvo Caps United yakakunda, vakomana vechidiki vemaSunshine City Boys vakamira mira zvakasimba izvo zvirikufadza murairidzi wavo Moses Chunga.

Caps United
Caps United

Caps United yave ne 57 points, FC Platinum 55 points, Highlanders 53 points asi vamwe vatambi vemaGreen Machine vanoti pachiri nemutoro mukukutu vachiti ivo vachapemberera chete kana zvichinge zvaitika musi unopera mitambo.

Mutevedzeri wakaputeni wemaGreen Machine Stephen Makatuka anoti pamutambo wekugumisira ndipo pavachaona kuti vatora here mukombe weligi uyu.

Makatuka anoti zvakawanda zvinokwanisa kuitika pamitambo miviri yasara.

Mubati wepagedhe Edmore Sibanda anoti zvave kuda kuti vemumhuri yese yeCaps United vabatane panguva ino.

Dynamos yave pachinhanhoo chechina mushure mekurova Mutare City Rovers 2-0 ndokuenda pamusoro peZPC Kariba iyo yakadamburwa 3-1 neBulawayo City muBabourfields Stadium.

Chikwata chine mukombe uyu cheChicken Inn chakatora mapoinzi matatu mushure mekurova How Mine 1-0 panguva iyo Border Strikers yakaita mangange 0-0 neTriangle muDulivhadzimu.

Border Strikers yakatobuda kare muPremier Soccer League asi ingangobatana nezvimwe zvikwata zvitatu Mutare City Rovers (26 points), Tsholotsho Pirates (26 points), nechimwe pakati peChapungu (31 points), Hwange (35 points) ne Triangle (35 points), mushure mekunge veZifa Council mukupera kwesvondo vakaputsa chibvumirano icho vakamboita chekuti kubude zvikwata zviviri kubva muPSL.

VeZifa Council ava vave kuti kubude zvikwata zvina kuchipinda zvekare zvimwe zvina kubva kuma Division One mana ari munhabvu yemuZimbabwe.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG