Accessibility links

Breaking News

Makuwerere muPremier Soccer League Apo Mitambo Yosvika kwaMvura Yacheka Makumbo


Platinum FC

Zvikwata zviri pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League zvatarisana nemitambo yakaoma mukupera kwesvondo.

Zvikwata zvitatu zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, FC Platinum, Caps United ne Highlanders zviri panguva yakaoma apo zviri kusangana kunze kwemusha nezvikwata zvakaomerwa mumakundano aya.

FC Platinum iyo iri kutungamira makundano ezvikwata gumi nezvitanhatu aya, yakananga kuRufaro Stadium uko irikusangana nechikwata chaMoses Chunga icho chine chinangwa chekupedza chiri pazvikwata zvisere zvinenge zviri pamusoro mukupera kwemwaka.

Chunga naNorman Mapeza uyo anorairidza Kugona Kunenge Kudada vakatamba vese muchikwata chemaWarriors asi vanga vasati vawana mukana wekuratidzana masimba avo muhurairidzi.

Aimbotambira chikwata cheCaps United Charles Manjera anoti mutambo uyu wakabaka moto zvekuti wakaoma kudoma chikwata chinokunda.

Manjera anoti semaonero ake mutambo uyu unoita mangange. Asi chikwata chakanyanyoomerwa nemutambo iCaps United. Makepekepe, iyo yakasiiwa nepoindi imwechete neFC Platinum yakananga kuBeitbridge uko irikusangana neBorder Strikers.

Border Strikers ndiyo iri pasi pasi mumakundano aya asi zvikwata zviri kurwira hupenyu hwazvo zvinonetsa kukunda.

Border Strikers ine murairidzi mutsva Luke Masomere uyo asati akunda mumitambo miviri iyo atamba zvekuti arikutarisira kukunda mumutambo wake wekutanga pamusha muDubulavadzimu Stadium.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaSilas Mukonoweshuro vanoti Caps United innge yaita raki ikakwanisa kudzoka nepoindi kuBorder.

Highlanders irikubudawo muBulawayo asi yakananga padyo nepamba muGweru umo iri kutamba neChapungu muAscot Stadium.

Panowanzotamba zvikwata izvi zvinowanzoita mangange asi kwete ikozvino apo Highlanders yakatarisana nemukombe, Chapungu yacho ichirwira kuramba iri muPremier League.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi

Mugovera

Ngezi v Tsholotsho - Baobab

ZPC Kariba v Triangle - Nyamhunga

How Mine v Mutare City- Luveve

Svondo

Bulawayo City v Chicken inn- Barbourfields

Mabhiza

Mujaho mukuru wekutanga kwemwaka 2016/2017 weZimbabwe National Army Charity Shield uriko neMugovera muBorrowdale Race Course uiine mabhiza masere.

Bhiza rirkutarisirwa kutora mukombe uyu ndeiro rinobva kuSouth Africa Eurakilon asi richiraridzwa nemurairidzi wemuno Gokhan Terzi.

Mutasvi wemabhiza VaTapuwa Manxusa vanoti Eurakilon rinotora mukombe. Mamwe mabhiza angangorwisa zvine mutsindo anosanganisa Approval Rating, Newton Power na The Mutineer.

Asi zvasaririra kune avo vanobheja kuti vaone kuti vanokanda mari yavo pabhiza ripi.

Cricket

Zvichakadaro, aimbove kaputeni wechikwata chenyika cheZimbabwe Heath Streak ndiye adomwa kuita murairidzi mutsva wechikwata chenyika checricket chemaChevrons.

Mashoko ari kufamba asina kutsinhirwa ari kuti Streak akapihwa basa iri neChishanu mushure mekutambura kwechikwata chenyika kwenguva yakareba.

Streak uyo aimbove mutungamiri wevatambi anoziva vatambi vemuno uyezve nematambiro avo zvekuti anokwanisa kusimudzira matambiro echikwata ichi.

Streak anobva abatana naTatenda Taibu uyo akambotamba naye muhurongwa hwevarairidzi muchikwata ichi.

Taibu achangopihwa basa rehumaneja. Streak ndiye anofungidzirwa kuti akakunda vamwe vaidawp basa iri vanoti Andy Blignaut, Peter Kirsten uye Justine Summons. Izvi zvinotevera kudzingwa basa kwaDav Whatmore muna Chikumi.

XS
SM
MD
LG