Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yogadzirira Kutamba neTanzania


Vatambi venhabvu veZimbabwe vane mukurumbira vave mukamba kugadzirira mutambo wavo wekuratidzana masimba neTanzania.

Kubva kuna Knowledge Musona kusvika kuna Khama Billiart tichidarika nepana Willard Katsande, Tinotenda Kadewere, Mathew Rusike, Onismo Bhasera, Kuda Mahachi, naMarvelous Nakamba vachange vari munhandare yeNational Sports Stadium kuratidza kuti vakagadzirira kuno kwikwidza zvine mutsindo kumakundano e2017 Africa Cup of Nations.

MaWarriors arikuda zvekare kudzorera kurohwa kwavakaitwa neTanzania apo vakabuditswa mumakundano e2013 Africa Cup of Nations apo Zimbabwe yairairidzwa na Ian Gorowa. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyayi iyi.

Mutsigiri wenhabvu VaMordecai Musanhi vanoti vari kutarisira kuti maWarriors achange akasimba zvekukwanisa kukunda mumutambo uyu.

Kunyange hazvo uri mutambo wehushamwari, veZIFA havana kudzikisa mari inoripwa pagedhe, vachiti ivo vanoda kugara panzvimbo dzisingadhure, vachabvisa madhora matatu ayo vanongobvisa pamitambo yemikombe.

Zvichakadaro, nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaStanley Mukeredzi vari kukurudzira veruzhinji kuti vauye vakawanda kuzokurudzirira chikwata chavo chenyika.

Murairidzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa ari kushandisa mitambo yehushamwari iyi kuvaka chikwata chake icho achaenda nacho kuGabon muna Ndira kumaAfrica Cup of Nations.

MaWarriors ari mugungano rimwechete neAlgeria, Tunisia, pamwe neSenegal. Zimbabwe inofanira kupedza iri pazvikwata zviviri zvinenge zviri pamusoro kuti ienderere mberi nemakundano aya.

VaMusanhi vane chivimbo naPasuwa zvekuti vanofunga kuti maWarriors aripo anoenderera mberi kudarika zvakaitwa nezvikwata zvemuna 2004 na 2006, izvo zvakabuditswa munharaunda yekutanga.

Svondo rapera, maWarriors akatamba neZambia vakakunda 1-0 nechibodzwa chakabva kunaTeenage Hadebe.

Mutungamiri weZifa VaPhillip Chiyangwa vanoti vari kuronga mumwe mutambo wekuenzana masimba nechikwata chepamusoro soro cheIvory Coast

XS
SM
MD
LG