Accessibility links

Breaking News

MaMighty Warriors Otatarika Kuwana mari yeKuendesa kuMakwikwi eAfrica Women’s Championships


MaMighty Warriors

MaMighty Warriors arikuda $300 000 kuti vasimuke kuenda kunokwikwidza kumaAfrica Women’s Championships kuCameroon.

Asi mari iyi haipo kana sendi zvaro kwasara mazuva gumi nemasere chete kuti makundabo aya atange.

Izvi zvakataurwa nemusi weChipiri nasachigaro wekomiti iri kuunganidzira chikwata ichi mari Muzvare Lilian Mbayiwa avo vanoti mari iyi ndeyekubhadhara ndege, nepachanogara vatambi ava uyezve neyekuvatenda kana vachinge vakunda mumitambo.

Muzvare Mbayiwa vanoti ivo vari kutanga kutsvaga mari iyi neChitatu manheru apo vari kuita mabiko mune imwe hotera muHarare apo vachatengesa pekugara pamwe nezvekudya.

Asi Muzvare Mbayiwa vanoti kunyange zvakamira zvakadai maMighty Warriors ari kupinda mukamba neChitatu kutanga gadziriro yemakundano emuAfrica aya.

MaMighty Warriors ayo aifanira kupinda mukamba kutanga kwemwedzi wapera vachiri kumba sezvo paive pasina mari.

Chikwata ichi chiri munjodzi yekuenda kumaAfrica Women’s Championships chisina kutamba mitambo yehushamwari sezvavakaita apo vakaenda kuma Rio Olympic Games uko vakanozvambaradzwa neGermany, Australia, pamwe ne Canada.

Zimbabwe iri mugungano rakaoma pamwechete neCameroon, South Africa, neEgypt.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakwikwi. Makundano aya ari kuitwa kubva musi wa 19 Mbudzi kusvika musi wa 3 Zvita.

XS
SM
MD
LG