Accessibility links

Breaking News

Shasha dzeMutambo weNhabvu Dzosarudzwa Svondo Rinouya


Shasha dzenhabvau gumi neimwe dzegore rino dzichadomwa musi wa29 mwedzi uno
Shasha dzenhabvau gumi neimwe dzegore rino dzichadomwa musi wa29 mwedzi uno

Varairidzi nemakaputeni ezvikwata zvenhabvu zvemuPremier Soccer League vakabatana pamwe nevanyori vemutambo wenhabvu vari kusangana musi wa 29 Mbudzi kuti vasarudze vatambi gumi nemumwechete avo vakaita mashiripiti gore rino.

Izvi zvaziviswa nevanotaura vakamirira kambani yeDelta Beverages, veMulti-Media, mutsamba yavanyorera kune avo vachange vari mubishi rekusarudza vatambi vakashura mare ava.

Aka ndiko kekutanga kubvira muna 2012 sarudzo iyi ichiitwa mitambo yese yegore yapera.

Makore mazhinji sarudzo iyi inowanzosiya vamwe vachi gununu’na zvekuti muongorori wezvemutambo wenhabvu VaAlexander Muchabaiwa vanoti vasarudzi ava vanofanira kusiyana nezvekutarisa vatambi vanobva kuzvikwata zvavo kana zvikwata zvavanofarira asi kuti vasarudze vatambi vakaita mashiripiti chaivo.

VaMuchabaiwa vanoti zvinoworesa moyo kuvatambi vanenge vasiiwa asi ivo vachiziva kuti vanokodzera kuve pakarenda yegore.

Muteveri wemurairidzi weHarare City VaPaul Mushambadope vanoti semaonero avo mutambi weFC Platinum Walter Musona ndiye akatamba kudarika vatambi vese zvekuti anofanira kuita Soccer Star of the Year.

Asi mutsigiri weCaps United VaInnocent Mushambi vanoti Leonard Tsipa wechikwata chavo ndiye akanyanyorura tichitarisa makore ake.

Vamwe vatambi vari kunyanyotaurwa nezvavo vanosanganisira Steven Alimenda weDynamos, Prince Dube weHighlanders, Gift Mbweti weHwange, Partson Jaure naLiberty Chakoroma veNgezi Platinum Stars, Walter Musona, Ronald Chinyengetere, naMarshall Mudewe veFC Platinum pamwe naHardlife Zvirekwi naRonald Pfumbidzai veCaps United.

Pfumbidzai anofunga kuti anokodzera kuve pavatambi ava.

Kunyange hazvo Soccer Star of the Year, nevateveri vake vaviri, pamwe nemurairidzi wegore rino vachasarudzwa musi uyu, ava vachaziviswa kuruzhinji pamabiko achaitwa neveDelta Beverages, avo vanopa mari kuPremier Soccer League.

Danny Phiri uyo aitambira Chicken Inn gore rapera ndiye ane mukombe uyu. Phiri ave kutambira chikwata cheGolden Arrows kuSouth Africa.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG