Accessibility links

Breaking News

Ko Caps Icharamba Iri paNhongonya yeCastle Premier Soccer League Here?


Caps United
Caps United

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League ave kusvika kwamvura yacheka makumbo apo ari kupinda musvondo remakumi maviri nemasere.

Makundano aya atsvuka ropa zvekuti hapana kana chikwata chimwechete pazvitatu zviri kutungamira Caps United, Highlanders neFC Platinum chirikuda kudonhedza kana poindi imwe chete panguva ino.

Asi Caps United iyo iri pamusoro peHighlanders nepoindi imwe chete ine mutambo wakaoma apo iri kusangana neHarare City iyo yakapunzira pasi FC Platinum munhandare imwe cheteyo yeRufaro Stadium.

Vanotaura vakamirira maSunshine City boys VaHope Chizuzu vanoti varikufara zvikuru nekuti vari kusangana neCaps United iyo inotamba bhora rinodakadza seravo.

Makepekepe ikozvino inenge iina Leonard Tsipa ari kutungamira pakunwisa zvibodzwa muPSL uyo asina kutamba neDynamos svondo rapera.

Tsipa ndiye ari kutungamira mukunwisa zvibodzwa muPremier Soccer League nezvibodzwa gumi, chimwe chete kudarika Gift Mbweti weHwange.

Highlanders iyo iri pachinhanho chechipiri iri kusangana neTsholotsho Pirates iyo yakatarisana nenjodzi yekuenda muDivision One.

Mutambo uyu, uyo urimuBabourfields Stadium neMugovera wakabaka moto nekuti Bosso irikutraisira kukunda kuti iende pamusoro petafura yePremier Soccer League, panguva imwecheteyo, Tsholotsho Pirates iri kudawo mapoinzi kuti ibate pamwe nekusiya Mutare City Rovers mukudzivirira kuramba vari muPSL.

Highlanders yave nemitambo mipfumbamwe yeligi yakateverana ichikunda zvekuti mutsigiri weDynamos vaTendai Daka vanoti varikuona ichibudirira paTsholotsho pamwe nekuenda pamusoro petafura yePSL.

FC Platinum iyo iri kutevera Highlanders yakananga kuGweru kunotamba neChapungu muAscot Stadium mangwana.

Norman Mapeza anofanira kukunda mumutambo uyu kuitira kuti arambe aine hushamwari hwakasimba nevatsigiri vechikwata chake. Ngezi Platinum Stars iyo yakaita mashiripiti apo yakarova Highlanders 1-0 muChibuku Super Cup ine Hwange pamusha muBaobab Stadium mangwana zvekare.

Asi Mbweti anoti arikuda kunyaradza mufaro wese uri muSelous nekurova mambure pamwe nekubata Tsipa pazvibodzwa. Mimwe mitambo yese iriko nesvondo. Mitambo iyi yakamira seizvi…

Dynamos V Mutare City Rovers Rufaro Stadium.

Border Strikers V Triangle Dubulavadzimu.

How Mine V Chicken Inn Luveve

Bulawayo City V ZPC Kariba Babourfields.

Totarisa mutambo wekiriketi.

Murairidzi mutsva weZimbabwe Heath Streak ari kutanga basa rake muHarare Sports Club neMugovera apo chikwata chake chiri kusangana neSri Lanka muTest yekutanga yemiviri zvikwata izvi zvichasangana.

Streak akapihwa basa rekusimudzira chikwata chatambura ichi zvekuti ari kutarisira vatambi vakaita saGraeme Cremer, Peter Moor, Hamilton Masakadza, Sean Williams, pamwe na Donald Tiripano kuti vachabubatsira murwendo rwake.

Test yekutanga iri kusvika musi wa 2 Mbudzi kuchizosimudzirwa Test yechipiri munhandare imwecheteyo kubva usi wa 4 kusvika musi wa 10 Mbudzi.

Vapedza maTests aya, zvikwata zviviri izvi zvichabandana mumitambo mishanu miviri yezuva rimwe.

Zimbabwe neSri Lanka dzichatamba mumukombe wezvikwata zvitatu uchasanganisa West Indies pavanopedza mitambo yezuva rimwe.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG