Chikwata cheDynamos, kana kuti De Mbare, chinoti chakagadzirira zvakakwana mwaka mutsva wenhabvu uchatanga muna Kurume.
Vana mazvikokota vechirwere chegomarara vanoti huwandu hwevana vari pasi pemakore gumi nemasere vari kubatwa negomarara munyika huri pasi kana huchiyenzanisa nevanhu vakuru.
Vaimbi nevanoita zvemitambo vari kubatana muchirongwa chekuchenura guta re Harare musi we Valentines day nemugovera apo vachange vachitsvaira nzvimbo yekwa mereki kuWarren Park.
Sangano reNational Aids Council rinoti riri kushanda negurukota rezvehutano nemamwe masangano akazvimirira kuitira kuti vanhu vese vanenge vabatwa vane hutachiwona hwe HIV/AIDS, vaiswe pamushonga zvisineyi kuti CD4 count yavo yakamira seyi.
Gweta riri kumirira vatyairi vemagonyeti vekambani ye manline avo vakakanda mapadza pasi svondo rapera vachiratidzira kusafara kwavo nemabatirwo avari kuitwa nekambani iyi, va paul machiridza, vanoti nhasi vaita misangano nemagweta ekambani iyi kuti vakwanise kuyananisa vaviri ava.
Zvirongwa zvekupa vana vadiki mishonga yekudzivirira chirwere che bilhazia nezvemudumbu munyika zvakatangwa negurukota rezvehutano zvinonzi zviri kufamba zvakanaka pari zvino.
Zororo re Martin Luther King rakatarwa kuva zororo zviri pamutemo muna 1983 naVa Ronald Reagan, sezuva rekurangarira VaKing, avo vakaberekwa musi wa Ndira 15, 1929.
Chipangamazano che Zimbabwe Human Rights NGO Form mu London, VaArthur Gwagwa, vanoti masangano akazvimirira anofanirwa kudzokera kuvanhu kuti anzwe zvido zvavo.
Kanzuru yeHarare inoti veruzhinji vanofanirwa kunge vave kuwana mvura mumazuva matatu anotevera kunyange hazvo yatanga kubuda kune dzimwe nzvimbo muguta nhasi.
Chikwata che Caps United neChitatu chakadoma VaMark Harrison semurairidzi wacho mutsva pamugungano rakaitirwa muHarare.
Mukuru webazi rezve hutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti chirwere chetyphoid chadzoka muHarare uye chiri kuwanikwa muBudiriro ne Glenview pari zvino.
Mutambo weJameson Vic Falls Carnival wakapinda muzuva repiri neChipiri muguta re Victoria Falls umo veruzhinji kubva kunyika dzakasiyana siyana vari kupembera goredzva.
Chechi yeMethodist muJohannesburg South Africa iyo yange ichichengeta zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri munyika iyi zvinonzi zvinodarika mazana mashanu yave kubvisa vapoteri ava mukupera kwemwedzi uno.
Imwe mhuri yekuMbare yakabatsirwa nevana vana mwedzi minomwe yapfuura inoti ichiri muchipatara che Harare Hospital umo vari kuchengetwa sezvo vasina pekugara pakanaka.
Mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Paul Nyathi, vari kukurudzira musikana uyu kuti auye kukamba yavo kuti awane rumbatsiro.
sangano re National Blood Services Zimbabwe rinoti rabatana nemamwe masangano mukuita zvirongwa zvekukurudzira veruzhinji kuti vape ropa.
Mhuri yamuzvare Pretty Xaba, avo vakashaikira ku kuindia nemugovera mushure mekurwara nechirwere chegomarara repahuro, inoti iri mushishi mekuunganidza mari yekuti iwunze mutumbiwake munyika.
Sangano re Msasa Project rinoti riri kunetsekana nehuwandu hwemadzimai ari kushungurudzwa mumazuva nepamusana pekuondomoka kwaita hupfumi hwenyika.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukurangarira zuva re International Aids Day pamabiko aitirwa kuVictoria Falls.
Kanzuru yeguta reHarare inoti iri mushishi rekugadzirisa zvechimbi chimbi pombi dzinofambisa mvura inenge yanaya.
Rodhai zvimwe