Gweta riri kumirira vatyairi vemagonyeti vekambani y Manline Transport avo vakakanda mapadza pasi svondo rapera vachiratidzira kusafara kwavo nemabatirwo avari kuitwa nekambani iyi, Va Paul Machiridza, vanoti vaita misangano nemagweta ekambani iyi kuti vakwanise kuyananisa gakava riripo.
VaMachiridza vanoti misangano iyi icharamba ichienderera mberi kusvika zvinhu zvagadziriswa.
Magweta anomirira kambani ye Manline Transport vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti vasangana nemagweta evashandi vekambani iyi asi havakwanise kutaura pasoro penyaya iyi.
Vashandi vanodarika makumi mashanu vapinda musvondo rechipiri vakamisa mota dzavo kumugunhu wenyika pamwe nemuHarare.
Mumwe wevatyairi vedzimota idzi ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti VaGodwin Mafirakureva vanoti mabatirwo avari kuitwa nekambani iyi ari kuvashungurudza.
Vashandi ava vonoti kambani yavo iri kuvadzvinyirira uye yakambokomekedzwa nematare emuSouth Africa nguva yapfuura kuti ibhadhare vashandi vavo mari iri pamutemo asi vanoti haisi kutevedzera kurudziro iyi.