Accessibility links

Breaking News

Mutambo weJameson Vic Falls Carnival Wofadza Vakawanda


Victoria Falls
Victoria Falls

Mutambo weJameson Vic Falls Carnival, uyo unoshnadiswa semutambo wekupemberera kusvika kwegore idzva, wakapinda muzuva repiri neChipiri muguta reVictoria Falls umo veruzhinji kubva kunyika dzakasiyana siyana vari kupembera kusvika kwegoredzva.

Mutambo uyu uri kuunganidza vaimbi vepamusoro munyika vanosanganisira Oliver "Tuku" Mtukudzi na Winky D avo vacharidza neChitatu pamwe nevamwe vaimbi vekune dzimwe nyika.

Vamwe vekunze vanege vachifadza vanhu vanosanganisa CU Rage wekuNamibia, uye zvikwata zvekuSouth Africa zvinosanganisira che Goldfish Live neBeatenberg.

Mutambo weChipiri uri kuitirwa kuVictora Falls Primary School. Mutambo uyu wakarongwa naVaBlessing Munyenyiwa chizvarwa cheZimbabwe chine mabizimisi muguta iri nemumwe wake Sean Young.

Gore rino rave gore rechitatu mutambo uyu uchiitwa.

Vari kuronga mutambo uyu veSeed Experience vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Mumwe weavo vari pamutambo uyu ndiVaEmmanuel Tirivatyi avo vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita mutambo uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG