Accessibility links

Breaking News

Mazvikokota weGomarara Okurudzira Kuongororwa kweVana Vadiki


Vana mazvikokota vechirwere chegomarara vanoti huwandu hwevana vari pasi pemakore gumi nemasere vari kubatwa negomarara munyika huri pasi kana huchiyenzanisa nevanhu vakuru.

Chiremba vanoshanda nevanhu vanotambudzika nezvirwe zvegomarara, Dr Bernadette Ndoro, vanoti huwandu hwevana vari kubatwa negomarara munyika hunosvika mazana maviri pagore zvichiyenzaniswa nevanhu vakuru vanosvika zviuru zvinomwe.

Dr Ndoro vanoti kunyange hazvo huwandu uhu husina kunyanya kukura, vabereki vanofungidzira kuti vana vavo vane gomarara vanofanirwa kuvaendesa kuzvipatara kuti vaongororwe nekukasika kuitira kuti vasazoenda gomarara iri rapararira uye rakomba.

Dr Ndoro vanoti vari kufara nemabasa ari kuitwa nemasangano anoshanda nevechidiki vanenge vane gomarara akaita sesangano re Kidzcan.

Sangano iri rakabatana nemamwe masangano pasi rose mukurangarira zuva re International Childhood Cancer Day iro rakatanga kucherechedzwa neSvondo.

Sangano iri richange richiita zvirongwa zvekudzidzisa veruzhinji munyika nezvechirwere chegomarara muvana vadiki kwesvondo rese.

Pasi pezvirongwa izvi vanhu vanenge vachipfeka zvipfeko zve orange uye vachikurudzira veruzhinji kuti vaende vachinoona vana vari muzvipatara vari kurwara negomarara.

Sangano iri riri kukurudzira kuti avo vanoda kubatsira vawanikwe vachipa mari inobvira padhora.

Pane makwikwi ekuti mumwe weavo vari kubvisa mari iyi achahwinha tikiti rendege riri kupihwa nekambani ye South African Airways.

Dr Ndoro vakurudzira vabereki kunyanya madzimai kuti vawanikwe vachiongorora vana vavo vega pakuvageza nekupa chekudya kuti vawone kuti hapana here zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti mwana ane chirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG