Sangano re Msasa Project rinoti riri kunetsekana nehuwandu hwemadzimai ari kushungurudzwa mumazuva nepamusana pekuondomoka kwaita hupfumi hwenyika.
Mutungamiri wesangano reMsasa Project, Amai Netty Musanhu, vanoti sangano ravo rakatogadzira nzvimbo dzekuti madzimai anenge akatarisana nemhirizhonga awane pekugara vakamirira kuenda kumatare kuti nyaya dzavo dzitongwe.
Amai Musanhu vanoti dzimwe dzenguva madzimai anotadza kumhangarira vanenge vavashungurudza sezvo vanenge vasina kwekuzogara panguva apo nyaya yavo inenge ichigadziriswa.
Pari zvino pari rose riri tsvaga nzira dzekupedza mhirizhonga yakanangana nemadzimai pasi pechirongwa che 16 days of Activism Against Gender Based Violence icho chakatanga musi wa 25 Mbudzi chichipera musi wa 10 Zvita.