Sangano reNational Aids Council, NAC, rinoti riri kushanda negurukota rezvehutano nemamwe masangano akazvimirira kuitira kuti vanhu vese vanenge vabatwa vane HIV/AIDS, vaiswe pamushonga zvisineyi kuti CD4 Count yavo yakamira seyi.
Mukuru wehomwe yemari musangano iri, Va Albert Manenji, vanoti vanhu vanosvika mazana manomwe ezviuru vari pamushonga pari zvino kunyange hazvo huwandu hwevanhu vane hutachiwona pari zvino munyika huri pamairiyoni imwe nemazana maviri ezviuru zvemadhora.
VaManenji vanoti kunyange hazvo pane zvirongwa zvekuti vanhu vawane mishonga pari zvino dambudziko nderekuti vamwe vari kuregera mishonga zvichitevera yambiro inobva kune vezvemweya izvo zviri kuita kuti pazoita matambudziko mishonga iyi isisa shande.
Sangano re World Health Organisation (WHO) rinokurudzira kuti vanhu vanenge vane CD-4 count inosvika mazana mashanu vaiswe pamushonga.
Va Manenji vanoti zvakakosha kuti vanhu varambe vari pamishonga kunyange hazvo zvinhu zvakaoma sezvo avo vanoregedza mishonga vachizosangana nematambudziko ekusadaira mishonga iyi.