Accessibility links

Breaking News

America Yorangarira Muchakabvu Martin Luther King Junior


Vanhu mu America vari kucherechedza zororo rezuva reMuvhuro senzira yekuyeukwa kuberekwa kwamuchakabvu Martin Luther King Junior.

Va King vakaita mukurumbira mugore ra 1955 apo vakaronga kuramwa kukwira mabhazi muguta re Montgomery mudunhu re Alabama.

Izvi zvakamanikidza kanzuru yeguta iri kubvisa murawo unoita rusarura pavanhu vatema vanenge vachishandisa mabhazi.

Kubva ipapo VaKing vakabva vava munhu aizivikanwa mukurwira kodzero dzemunhu wese kuma 1950 nekuma 1960.

Mashoko avo ekuti “I have a dream,” avakataura pamusangano wakaitirwa mu Washington muna kurume 1963, akapa mamiriyoni nemamiriyoni evanhu vemu America kuti vapinde mukurwira kodzero dzemunhu wese.

Muna 1964, va King vakapihwa mubairo we Nobel Peace Prize, rinovawo gore rakasainwa mutemo unoremekedza kodzero dzemunhu wese nevaive mutungamiri we America panguva iyi, muchakabvu Lyndon Johnson.

Va King vakapfurwa vakafa musi wa 4 Kubvumbi 1968 muguta re Memphis mudunhu re Tennessee, uko vakanga vaenda kunobatsira vanhu vatema vanoita basa rekurasa marara vairamwa mabasa vachiti vari kuitwa rusarura pamari dzavanotambiriswa.

Zororo re Martin Luther King rakatarwa kuva zororo zviri pamutemo muna 1983 naVa Ronald Reagan, sezuva rekurangarira VaKing, avo vakaberekwa musi wa Ndira 15, 1929.

Mumwe muzvinabhizinisi wechidiki, Va Samuelle Dimairo, vanoti kurangarirwa kwaVa King kwakosha sezvo vari mumwe wevakatanga zvirongwa zvekurwisa rusaruraganda muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG