Accessibility links

Breaking News

Vaimbi Vochenesa paMereki Musi weValentine's Day


BaShupi
BaShupi

Vaimbi nevanoita zvemitambo vari kubatana muchirongwa chekuchenura guta reHarare musi we Valentines Day neMugovera.

Izvi zvaichaitwa apo vachange vachitsvaira nzvimbo yekw Mereki kuWarren Park.

Mumwe wevaimbi ava, Baba Shupi, vanoti vakatanga zvirongwa izvi mushure mekuwona kusviba nekuraswa kwemarara munzvimbo dzisingabvumidzwe nekanzuru kuri kuitika mumaguta akawanda.

Baba Shupi vanoti chirongwa ichi chiri pasi pedingidira rekuti “marara mubhini”.

Baba Shupi vanoti vari kufara nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune mamwe makurukota ehurumende ari kubatana navo muchirongwa ichi.

Muimbi uyu anoti ari kukurudzira hurumende kuti isunge avo vanoonekwa vachirasira marara pasiri ipo nekuti kunyange murawo uyu uripo, vanhu havasi kuutya sezvo vachiziva kuti hausi kutevedzerwa parizvino.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzinosanganisira Va Joseph Chinotimba naMuzvare Jessie Majome vamwe veavo vari kuita zvirongwa zvekuchenesa nzvimbo dzakasiyana siyana muguta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG