Chikwata cheDynamos, kana kuti De Mbare, chinoti chakagadzirira zvakakwana mwaka mutsva wenhabvu uchatanga muna Kurume.
Chikwata ichi chinoti chakatenga vatambi vane chitsama ndokubva chanyorerana navo zvibvumirano zvemakore maviri.
Sachigaro wechikwata ichi, VaKenny Mubaiwa, vanoti vari kunyorerana zvibvumirano zvemakore anopfura rimwe chete kuitira kuti vazokwanisa kuenda nevatambi ava kumakwikwi e Africa Champions League kana vachinge vatora mukombe we Castle Premier League gore rino.
Chikwata cheDynamos ndicho chakatora mukombe uyu gore rapfuura uye chinoti chiri kutarisira kuita izvi zvakare gore rino.
VaMubaiwa vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakambonetsa muchikwata chavo, pari zvino vane tarisiro yekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka mumwaka mutsva.