Mumwe wevanhu vakatamiswa kuenda kuNuanetsi, avo vati vanonzi Ambuya vaFungisayi, vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaya zvekudya uye tende yavanogara yasakara izvo zviri kuita kuti vanayiwe nemvura.
Zimbabwe inoti iri kufara sezvo gore rino ichange ichikokera hurongwa hwekucherechedza zuva revanorarama neHIV/AIDS pasi rose.
Zuva iri rakafanana neremagamba muZimbabwe, asi mutsauko uripo ndewekuti hapana zvematongerwo enyika zvinoswa pahurongwa uhu muAmerica sezvinoitwa muZimbabwe.
Mukuru wekambani iyi, Va Luke Ngwerume, vanoti kambani yavo yakatanga kushanda nguva pfupi yapfuura uye yakabatana nemakambani emunyika makuru pachirongwa ichi.
Nyanzvi munyaya dzehutano muAfrica dziri kusangana muHarare pamusangano mukuru wemazuva mana.
Sangano reZimbabwe Migrants Association rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri mune dzimwe nzvimbo nhasi zvange zvichidzoswa kumba kunyange hazvo zvange zvakapihwa nguva yekuti zviuye kuzobvunzurudzwa kuti zviwane mapepa especial dispensation.
Muzvare Pretty Xaba, avo vane gomarara repahuro, vanonzi vachiri kuongororwa navana chiremba vemuindia kuti vaone danho rekutora vasati vaoparetwa.
Sangano remubataniodzwa wenyika dzepasi rose weUnited Nations unoti madzimai ari kumaruwa akakosha mukuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi, magariro evanhu uye remangwana rakajeka.
Sangano reLaw Society of Zimbabwe, richishanda pamwe chete nemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nemapurisa, richange richiita zvirongwa zvekupa veruzhinji ruzivo rwezvemutemo mukupera kwesvondo.
Sangano re Zimbabwe Tourism Authority rinoti gadziriro yemusangano waro wepa gore, kana kuti Sanganai/Hlanganani World Tourism Expo, iri kufamba zvakanaka chose.
Mumwe anoita zvemitambo, Muzvare Pretty Xaba, uyo ane gomarara repahuro, anonzi achasimuka achienda kuIndia neMugovera uko achanorapwa.
Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vanoti vachasangana nenyanzvi dzehupfumi dzeku World Bank ne International Monetary Fund (IMF) svondo rino apo vari mu Washington DC kumusangano wepagore wemabhanga aya.
Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vanoti vari kufara nebasa riri kuitwa pasi pechirongwa che Macro-Economic Financial Management Institute of Eastern and Southern Africa.
Chirongwa cheZimbabwe Special Permit chekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinyorese kuti zvipihwe magwaro chatanga neChitatu mu South Africa.
Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti magomarara epamuromo wechibereko mumadzimai negomarara resikarudzi muvarume ndiwo ari kubatwa vanhu vazhinji munyika.
Xaba anoti kunyange hazvo akaita mabasa akawanda uye achionekwa pamaterevhizheni, ange asingabhadharwe zvine mutsindo izvo zviri kuita kuti asave nemari inodiwa kuti awane rubatsiro ku India.
Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti riri kutambira nemufaro chirongwa che hurumende chakaparurwa nezuro chekubaya vanasikana vane makore gumi nhomba yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko.
Mumwe wevanhu vakapwanyirwa nzvimbo yavanotengesera zvinhu zvavo muHarare neSvondo, Va Edward Chanakira, vanoti varwadzikana zvikuru pavasvika panzvimbo yavange vachitengesera kwemakore manomwe.
Sangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, rinoti riri mushishi kutaurirana nehurumende kuti iripe rutsigiro rwekuti rinyorere zviri pamutemo sangano re Confederation of Africa Football richikumbira kuti makwikwi e Africa Cup of Nations atambirwe muZimbabwe mugore ra 2017.
Zvizvarwa zvenyika dzemuSADC zvakaungana kwemazuva mana muSilver Spring mudunhu reMaryland mu America vachipangana mazano munyaya dzakasiyana siyana dzinosanganisira zvemabhizinesi.
Rodhai zvimwe