Accessibility links

Breaking News

Vakagariswa Patsva kuNuanetsi Vonayiwa neMvura


Panguva apo mvura yatanga kunaya munyika, vamwe vevaive vagari vekuChingwizi vakaendeswa kuNuanetsi Ranch vanoti vakatarisana nedambudziko repekugara pakanaka sezvo matende avakapihwa asakara.

Mumwe wevanhu vakatamiswa kuenda kuNuanetsi, avo vati vanonzi Ambuya vaFungisayi, vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaya zvekudya uye tende yavanogara yasakara izvo zviri kuita kuti vanayiwe nemvura.

Mbuya vaFungisayi vanoti vakatoenda kwachiremba sezvo vasiri kunzwa zvakanaka zvichitevera kupindwa nemhepo uye nekukwegura kwavaita.

Vagari ava vange vachiwana rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira. Asi gurukota redunhu reMasvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanoti hurumende inoda chibage chinodarika zana nemakumi mashanu ezviuru zvematani pamwedzi cekupa vagari ava.

VaBhasikiti vanoti hurumende inoda mari inosvika mazana mashanu ezviuru zvemadhora mwedzi wega wega kusvika muna Chivabvu gore rinouya kuti ikwanise kupa vanhu vakatarisana nedambudziko iri vanosvika zviuru gumi nezvisera.

Mbuya vaFungisayi vanoti shuwiro yavo ndeyekuti dai vazhinji vabva zera vabatsirwa nechikafu nepekugara mwaka wekunaya mvura usati wavhiringa hutano hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG