Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vokurudzira Kubviswa kweZvirango Kuitira Kuti Nyika Ibudirire


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vanoti vachasangana nenyanzvi dzehupfumi dzeku World Bank ne International Monetary Fund (IMF) svondo rino apo vari mu Washington DC kumusangano wepagore wemabhanga aya.

VaChinamasa vanoti misangano iyi haina kutarisirwa kuzeya nezve Zimbabwe senyika sezvo iri misangano yekuzeya kuti zvinhu zvakafamba seyi mumasangano maviri aya gore rapera.

VaChinamasa vanotiwo zvizhinji zvakawanda zviri kuda kugadziriswa munyika kuitira kuti hupfumi hwenyika humire zvakanaka.

VaChinamasa vanotiwo zvimwe zviri kukuvadza hupfumi hwenyika zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira izvo vanoti zvinofanirwa kubviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG