WASHINGTON —
Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vanoti vachasangana nenyanzvi dzehupfumi dzeku World Bank ne International Monetary Fund (IMF) svondo rino apo vari mu Washington DC kumusangano wepagore wemabhanga aya.
VaChinamasa vanoti misangano iyi haina kutarisirwa kuzeya nezve Zimbabwe senyika sezvo iri misangano yekuzeya kuti zvinhu zvakafamba seyi mumasangano maviri aya gore rapera.
VaChinamasa vanotiwo zvizhinji zvakawanda zviri kuda kugadziriswa munyika kuitira kuti hupfumi hwenyika humire zvakanaka.
VaChinamasa vanotiwo zvimwe zviri kukuvadza hupfumi hwenyika zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira izvo vanoti zvinofanirwa kubviswa.