Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yonyorera Makwikwi e 2017 CAF Kuti Atambirwe muZimbabwe?


Sangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, rinoti riri mushishi kutaurirana nehurumende kuti iripe rutsigiro rwekuti rinyorere zviri pamutemo sangano re Confederation of Africa Football richikumbira kuti makwikwi e Africa Cup of Nations atambirwe muZimbabwe mugore ra 2017.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZIFA, Va Xolani Gwesela, vanoti sangano ravo rikawana rutsigiro urwu, richanyorera CAF mwedzi uno usati wapera sezvinodiwa nemitemo ye CAF.

Zuva rekupedzisira rekuti nyika inyore ndi 30 Gunyana.

Mukupa mukana wekuita makwikwi aya, CAF inotarisa kuti nyika inokwanisa here kuti makwikwi aya aitwe mairi, ine nharaunda dzakagadzirwa zvakanaka here, migwagwa yakamira zvakadii, uye mahotera ari munyika anozokwanisa kugara vatambi nevashanyi munguva yemakwikwi aya.

Studio7 haina kukwanisa kuwana divi rehurumende kuti tinzwe divi ravo munyaya iyi.

Hurukuro NaVa Xolani Gwesela
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG