Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya muHarare Zvirwere Zvinotapuriranwa Pasi Rose


Nyanzvi munyaya dzehutano muAfrica dziri kusangana muHarare pamusangano mukuru wemazuva mana.

Musangano uyu ndewekuzeya zvimhingamupinyi zvakatarisana neAfrica mukurwisa kwayo zvirwere zvinotapuriranwa.

Musangano uyu wakatanga neSvondo uye unopera Chitatu.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, vanoti zvakakosha kuita misangano yekadai munyika panguva iyo zvirwere zvakaita se Ebola zviri kunetsa pasi rose.

Musangano uyu wakarongwa nemasangano anosanganisira The Infection Control Africa Network ne Infection Control Associaton of Zimbabwe nemamwewo masangano akazvimirira.

Dr Chimedza vanoti kunyange hazvo dambudziko rechirwere cheEbola riri kunetsa pasi rose, Zimbabwe iri kuita zvese zvainokwanisa kuitira kuti chirwere ichi chisatombopinda muZimbabwe.

Sangano re World Health Organisation rinoti chirwere ichi chauraya vanhu vanosvika zviuru zvishanu zvikuru mu Liberia, Seirra Leone, Guinea, pamwe nemuAmerica umo makashaya munhu mumwe chete akange ashanya achibva kuLiberia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG