Muzvare Pretty Xaba, avo vane gomarara repahuro, vanonzi vachiri kuongororwa navana chiremba vemuIndia kuti vaone danho rekutora vasati vaoparetwa.
Muzvare Xaba vakaenda ku India svondo rapera mushure mekuwanirwa mari nevane tsiye nyoro.
Vari kuronga nezvekutsvaga rubatsiro rwa Muzvare Xaba, Va Taonga Mafundikwa, vanoti vachiri kuenderera mberi nekutsvaga rubatsiro sezvo pane zvizhinji zvichiri kudiwa pakurapwa kwa Muzvare Xaba.
Muzvare Xaba vanozivikanwa nemabasa avakange vachiita nemakambani makuru munyika uye nekushanda munyaya dzemitambo muZTV pamwe nemuchirongwa cheStudio263.
VaMafundikwa vanoti vakafadzwa nekubatana kwakaita vanhu mukutsvaga mari yekuti Muzvare Xaba vaende kunorapwa kuIndia.
VaMafundikwa vanoti kunyange hazvo zvakatora nguva kuti mari yerubatsiro iwanikwe, vane tarisiro yekuti Muzvare Xaba vachawana rubatsiro rwavanoda kuIndia.