Sangano reLaw Society of Zimbabwe, richishanda pamwe chete nemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nemapurisa, richange richiita zvirongwa zvekupa veruzhinji ruzivo rwezvemutemo mukupera kwesvondo.
Munyori musangano re Law Society of Zimbabwe, Va Edward Mapara, vanoti zvirongwa izvi zvakatanga muHarare neMugovera, uye zvichaenderera mberi Mugovera unotevera munzvimbo dzinoti Masvingo, Bulawayo, Mutare neGweru.
Va Mapara vanoti veruzhinji vanokwanisa kuuya nenhunha dzavo dzakasiyana siyana kuti vawane rubatsiro kubva kumagweta epamusoro pachena.
VaMapara vanoti nyaya dziri kunyanya kunetsa veruzhinji dzinosanganisira dzenhaka, kushungurudzwa mudzimba, kuburitswa mabasa zvisiri pamutemo nedzimwewo.
Chirongwa ichi chichange chichiitirwa kunzvimbo dzinotevera, kuMasvingo chirongwa ichi chinenge chichiitirwa paYouth Centre, muBulawayo, paCivic Centre muGweru nepa Meikles Park kwaMutare.