Zvizvarwa zvenyika dzemuSADC zvakaungana kwemazuva mana muSilver Spring mudunhu reMaryland mu America vachipangana mazano munyaya dzakasiyana siyana dzinosanganisira zvemabhizinesi.
Musangano wemazuva mana uyu wakaitwa nesangano reSouthern Africans Community-USA kana kuti SACU, iro rakaumbwa nezvizvarwa zveSADC zviri muAmerica.
Vachitaura neMuvhuro muSilver Spring pamusangano wevemabhizinisi wekupangana mazano ekuwana mabasa muAmerica nemuAfrica, nyanzvi munyaya dzekutsvagwa kwemabasa, Amai Mercy Chogugudza, vanoti vanhu ngavaite ruzivo rwezvavanoda kuita mune ramangwana.
Vanotiwo munhu anofanirwa kuzvipembedza hunyanzvi hwake nenzira inoyemurika.
Amai Chogugudza vanoti zvinodiwa mukutsvaga basa zvakafanana pasi rose, asi vanhu vakawanda havazvizive izvo zviri kuvatadzisa kuwana mabasa epamusoro.
Amai Chogugudza vanoti nguva zhinji vanhu havakwanise kunyatsotsanangura kuti hunyanzvi hwavo ndehweyi, uye zvii zvavanoda kubva kukambani yavanenge vachitsvaga basa.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muSACU, Amai Cassandra Sibanda -Guni, vanotiwo SACU inokurudzira mushandira pamwe pakati pezvizvarwa zvemu Africa zviri muAmerica
Amai Chogugudza vanoti remangwana rezvizvarwa zveAfrica rakajeka sezvo vave neruzivo rwekutsvagwa kwemabasa mungave muAmerica kana dzimwewo nyika pasi rose.
Kunze kwezvemabhizinisi, SACU yakaitawo zvirongwa zvekuratidza zvipfeko, mitambo pamwe nemachikichori vanhu vachifara.
SACU yakavambwa gore rapera, uye hurongwa hwemu Maryland hwaive hwekupemberera kusvitsa makore maviri kwesangano iri.
Musangano wegore rino wakapindwa nezvizvarwa zvenyika dzemuSADC zviri mumatunhu akasiyana siyana mu America, vamwe vacho vari shangwiti nezvipangamazano munyaya dzehupfumi.