Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuvhenekwa Gomarara Nguva Dzose


Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti magomarara epamuromo wechibereko mumadzimai negomarara resikarudzi muvarume ndiwo ari kubatwa vanhu vazhinji munyika pari zvino.

Mukuru wezvirongwa zvehutano musangano iri, Amai Patience Nyemba, vanoti muongororo yakaitwa mugore ra 2011, huwandu hwemadzimai akabatwa nemagomarara akasiyana siyana hwakasvika pazvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana, ukuwo zvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana vari varume vakabatwa nemagomarara akasiyana siyana.

Amai Nyemba vanoti hapasati pave nedzimwe ongororo dzakaitwa kusvika pari zvino.

Amai Nyemba vanoti veruzhinji vanofanirwa kudya chikafu chinovaka muiri nekuita zvirongwa zvinogwinyisa muviri sedzimwe dzenzira dzekurwisa gomarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG