Mukuru webazi rezve hutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti chirwere chetyphoid chadzoka muHarare zvikuru mumisha yevazhinji yeBudiriro neGlenview.
Pari zvino pane vanhu vana vari kunzi vakabatwa nechirwere ichi vamwewo vachinzi vachiri kuongororwa.
VaChonzi vari kukurudzira veruzhinji kuti vafashaidze mvura yekumwa uye kudziyisa chikafu nekuteedzera kurudziro dzose munyaya dzezvehutano kuti vadzivirire kutapuriranwa kwechirwere ichi.
Dr Chonzi vanoti vanenge vachifungidzira kuti vabatwa nechirwere ichi vanofanirwa kuenda kukiriniki iri pedyo navo kuitira kuti vawane rubatsiro nguva ichiripo.
Vanoti kanzuru iri kuyedza kudzidzisa veruzhinji nezvenzira dzekuzvidzivirira kuti vasatapurirwe kana kutapuririrana chirwere ichi.
Vamwe vanhu vakawanda muguta reHarare vari kubatwawo nemanyoka nekuda kwekushaikwa kwemvura yakachena, kana kuti kushaikwa kwayo zvachose.
Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vari kuyedza nepavanogona napo pose kugadzirisa dambudziko remvura muguta.