Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoshushikana neKubviswa paChechi yeMethodist muSouth Africa


Chechi yeCentral Methodist muJohannesburg South Africa iyo yange ichichengeta zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri zvinodarika mazana mashanu yave kubvisa vapoteri ava mukupera kwemwedzi uno.

Chechi iyi yave nemakore gumi nemana ichichengeta zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muSouth Africa.

Bishop Paul Verryn avo vange vachibatsira kuchengeta vapoteri ava vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuvharwa kwechechi iyi.

Vamwe vakuru vechechi iyi kuchamhembe kweAfrica vanonzi vange vachigunun'unawo kuti chechi yainge yaita chikwereti chemamiriyoni maviri emaRands nekuda kwevapoteri ava.

Vakuru ava vanoti ikozvino vave kuda kuti chechi ifambire mberi pasina vapoteri vanenge varipo.

Vamwe vari kugara pachechi iyi, VaNoel Muguti, vanoti pari zvino havasati vawana pekugara uye vari kushungurudzika kuti vachaita seyi mumazuva maviri anotevera.

VaMuguti vanoti vange vagara pachechi iyi kwemakore akawanda uye vange vachiwana rubatsiro rwekuti vakanganwe kushungurudzwa kwavanoti vakaitwa muna 2008 munguva yesarudzo.

VaMuguti vaimiririra MDC kuGokwe neMbudziya uye vanoti vakaitwa kafiramberi zvakapa kuti vaende muhupoteri.

Mumwe mukomana akapfuurawo nepachechi iyi, Brian Moyo, uyo akambogara mumugwagwa asi ave kuita zvidzidzo zvemitemo anoti vanhu vakawanda vachanonga svozve nemuromo nekuti chechi iyi yange iri chirera nherera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bishop Verryn vanoti vachayedza nepose pavanogona napo kuitira kuti vakwanise kuwanira vapoteri ava pamwe pekugara.

XS
SM
MD
LG