Mwamwe madzima ange ari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship anoti ari kufadzwa nehunyanzvi hwaakawana muAmerica umo ange ari. Amai Maria Malomalo vakaita hurukuro naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.
Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica Dr Arikana Chihombori-Quao vanoti sangano ravo rakabatana nebazi rinowona nezve kudyidzana neAfrica muhurumende yeAmerica mukuronga musangano weAfrican Diaspora Young Leaders Summit uyo wakaitwa muguta reWashington.Anesu Masube otaura nezve musangano uyu.
ZEC inoti ichazivisa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika nhasi mushure mekugunun’una kwevaongorori vesarudzo nevemapato anopikisa.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvange zviri muchirongwa cheMandela Washington Fellowship zvinoti zvirikufara nemafambiro akaita chirongwa ichi sezvo vakawana hunyanzvi hwepamusoro soro. Chirongwa ichi change chichiitirwa muAmerica. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica, Doctor Arikana Chihombori-Quao vanoti vanhu vanofanirwa kutambira zvinenge zvabuda musarudzo pasina mhirizhonga. Vanoti sangano ravo rakatuma vaongorori kuZimbabwe panguva yesarudzo avo vari kuti sarudzo dzakaitwa murunyararo.Nyaya ina Marvellous Nyahuye
Sangano reZimbabwe Electoral Commission roburitsa zvakabuda musarudzo, Zanu PF ichitungamira mudunhu reMasvingo neMatabeleland South ukuwo MDC Alliance ichitungamira kuManicaland.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabude nehuwandu hwavo nhasi kuti vaende kunovhota sezvo iri kodzero yavo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura kumucheto wemusangano weBRICS kuSouth Africa vachiti Zimbabwe ichaita sarudzo murunyararo neMuvhuro.
Amai Vimbai Tsvangirai Java mwana waVaTsvangirai, vanoti vari kutsvaga rutsigiro rwekumirira dunhu reGlen View South pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance kuti vaite basa rakatangwa nababa vavo munyika. Vanoti vane shuwiro yekuti dunhu reGlen View South ribudirire. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Vari kukwikwidza vakazvimirira kuMagunje, VaGodfrey Gandawa, avo vakadzingwa muZanu PF nechikwata cheLacoste chiri kutonga bato iri mazuva vachinzi inhengo yeG40, votsvagwa nevasori avo vaenda kumba kwavo munguva dzerunyanhiriri nhasi.
Vari kutungamira Commonwealth mukuongorora sarudzo munyika uye vaive mutungamiri wenyika yeGhana VaJohn Dramani Mahama vosvika muZimbabwe nhasi.
VaPanganai Mugenge mumwe wevechidiki veMDC Alliance vachifadza vanhu nemotokari yavo panze peWhire City Stadium. Nyaya ina Taurai Shava
Amai Mariam Mushayi veMDC Alliance vanoti vari kuvimbisa kushandira dunhu reKuwadzana semudare kana vakakunda musarudzo dzichaitwa kupera kwemwedzi uno. Amai Mushayi vanoti zvizhinji zvavachada kugadzirisa mudunhu iri kana vachinge vakunda. Inzwayi hurukuro yavakaita naMarvellous Mhlanga-Nyahuye.
Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoita musangano nevatsigiri vavo kwaMutare vachivavimbisa hupenyu hwakanaka muhurumende yavo.
Chikwata chevanyarikani vana che Elders, icho chiri kutungamirwa nevaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKoffi Annan, chinopinda munyika kuzoona mafambiro ari kuita gadziriro yesarudzo dzemuZimbabwe.
Vaimbova munyori mukuru weUnited Nations VaKoffi Annan vari kutungamira chikwata chavanasorojena kana kuti The Elders kunoongorora nyaya yesarudzo muZimbabwe kubva musi weChina kusvika Mugovera.
Zimbabwe Electoral Commission inoti kuvhota pachishandiswa posvo kana kuti postal voting kuri kuenderera mberi uye mutemo wesarudzo haubvumidze kuti ZEC, vemapato ezvematongerwo enyika kana vanoongorora sarudzo vange varipo sezvo kuvhota uku kuchifanira kuitwa muchivande.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoita musangano muGaza stadium kuChipinge uko kuzere nezviuru nezviuru zvevanhu.
Kuratidzira kweMDC Alliance kunopindwa nezviuru nezviuru zvevanhu, mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiti vachange vachishambadza musi wesarudzo zvinenge zvabuda panzvimbo yekuvhotera yega yega kuitira kuti sarudzo iyi isabiridzirwe.
Mapurisa anoona nezvesarudzo anoti haasi kufara nekubvarurwakuri kuitwa mapepa ekutsvaga rutsigiro achiti vose vari kuita izvi vari kupara mhosva dzinosungisa.
Rodhai zvimwe