Vaimbova munyori mukuru weUnited Nations VaKoffi Annan vari kutungamira chikwata chavanasorojena kana kuti The Elders kunoongorora nyaya yesarudzo muZimbabwe kubva musi weChina kusvika Mugovera.
Dare repamusoro ronzwa nyaya yevarairidzi avo vanoti vakanyimwa mukana wekuvhota neZEC kunyangwe mapurisa nemauto vakakwanisa kuvhota vasati vaenda kunobatsira mukuvhota.
Vamwe vechidiki muZimbabwe vowana mukana wekusangana nevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama kuSouth Africa.
Nyaya yekuti ZEC iri kuita basa nemazvo here kana kuti kwete yokonzera mutauro wakanyanya munyika.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump voita musangano nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin kuHelsinki, Finland
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa gadziriro yesarudzo dziri kuitwa mukati memavhiki maviri
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum