Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 10, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 10, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anoona nezvesarudzo anoti haasi kufara nekubvarurwakuri kuitwa mapepa ekutsvaga rutsigiro achiti vose vari kuita izvi vari kupara mhosva dzinosungisa.

Vechidiki veZanu PF kuZaka mudunhu reMasvingo vanosungwa zvichitevera kubvarura kwavakaita maposita eMDC Alliance

Sangano reZimbabwe Democracy Institute rinoti kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission iri kuti mauto haasi kupindira munyaya dzesarudzo, rine humbowo hwekuti mauto ari kushanda munyaya dzesarudzo zvikuru kumatunhu matatu eMashonaland.

Masangano evarairidzi oendesa Zec kumatare achida kuti Zec ione kuti varairidzi vachange vachiibatsira kuvhotesa vanhu vawana mukana wekuvhota sezvo vachange vasiri munzvimbo dzavakanyoresa

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya mabasa akaitwa nemutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, avo vakashaya muna Kukadzi gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzozeya dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze izvo zvave kutadzisa makambani anogadzira zvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika kuita basa rawo nemazvo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG