Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 2, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 2, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

ZEC inoti ichazivisa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika nhasi mushure mekugunun’una kwevaongorori vesarudzo nevemapato anopikisa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vanoda kuti komiti yakazvimirira iongorore sarudzo nanezuro uku mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vachishanyira chipatara cheParirenyatwa.

Mauto nemapurisa ovhara muzinda weMDC-T weMorgan Tsvangirai House muHarare.

Mizinda yeAmerica neBritain yoyambira zvizvarwa zvadzo kuti zvisapinde mudhorobha reHarare sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.

Mauto nemapurisa ovhara guta reHarare vachidzinga vanhu vose vachityira kuti kuratidzira kuchaenderera mberi mushure mekupfuurwa kwevanhu vatatu nemauto nezuro. Vamwe vanomwe vachiri muchipatara.

Vechidiki veZanu-PF vanoti zvekutumira mauto mumigwagwa zvakaitwa nehurumende zviri kushorwa nevanorwira kodzero zvevanhu zvinhu zvakanaka kudzivirira mhirizhonga.

Vamwe vaongorori vesarudzo nevemachechi vokurudzira runyararo munyika zvichitevera mhirizhonga yanezuro.

Madzishe mudunhu reManicaland osarudza vamiriri vavo vachange vari mudare reSenate.

Muchirongwa cheWomens Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe umo mapurisa ari kurwisana nevechidiki avo vari kuramba kutambira zviri kubuda musarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG